Vavakidzani vorwira gadheni

Nyasha Chabvonga
VAVAKIDZANI vakakandirana mashoko makobvu nematete mudare vachirwira bindu apo mumwe nemumwe wavo aiti nderake.

Lillian Masiya akamhan’arira Clever Kanyemba nevana vake — Onias Kanyemba naTimmy Kanyemba — kuHarare Civil Court achiti vakapamba bindu rake.

“Ndotanga neweClever, wakagara uchida kunditorera gadheni iwe kubvira kare. Unopa mwana wako mvumo yokuvaka mugadheni mangu sei? Ini handidi zvokutaura newe handiti unondinzwa? Uri mwana mudiki sitereki iwe!

“Imi Onias naTimmy, ini handidi zvokutaudzana nemi. Zvamakaudzwa nababa venyu ini handinei nazvo, ndinoda mubve pagadheni rangu uye iwe Timmy ubve pasitendi pangu,” akadaro Masiya. Masiya akati anoda kuti vana vaClever vabvise zvidhinha nefenzi zvavakaisa mugadheni make.

“Ndinoda kuti mubvise zvidhinha zvenyu nekawaya kamakaisa. Munondiisira muganho imi kuti ndimi makandipa here gadheni iri? Handiti ndakaripihwa nevekuGoromonzi, hapana chamunoziva imi,” akadaro.

Clever nevana vake vakapokana nezvaitaurwa naMasiya vachiti aingoda kufadza dare nemanyepo.

“Ambuya musada kudaro imi muri munhu mukuru kwazvo. Chingotii mave kuda gwaro rekudare iri basi. Ini nevana vangu hatisi kuda gadheni uye muri kurambira pagadheni ramakanzi nababa vangu murime matomatisi muwane pekubatsirika imi makaramba kubva tikasiyana nemi wani kare,” akadaro Clever.

“Zvidhinha nekafenzi kamunoreva hazvisi mugadheni menyu, kafenzi handiti kakaiswa nemuzukuru wenyu Vicky?”

Mutongi Barbra Mateko akapa Masiya gwaro redziviriro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×