IMBWA HAIHUKURE SADZA
MAKAONAWO zvandakaona here? Kana musina kuona zvandakaona hamuone. Musatye zvenyu, handina kuona masamba ari pasi pekapu yetii.
Pane mumwe mufanandizo pamifananidzo yakatorwa Grey Mupinganjira neKwayedza svondo rakapera pamberi. Mupinganjira ndiyeka murume wekwaChihota wekubatwa aine nyamafingu paroadblock nemapurisa emuHarare, akazoti nyoka iyoyo akanga aisiirwa naamai vake.
Mupinganjira akadzokororazve kutaura izvi paredhiyo yeStar FM nemusi weChipiri manheru svondo radarika.
MuKwayedza yesvondo rakapera pamberi, Mupinganjira akanga achiti apedza hama dzake, achiti mapurisa akamusunga achaita mapofu nekuzvara vana vakaremara; achiti nyoka yake yakatorwa neveParks neWildlife yakadzokera kwaari nyangwe zvazvo vekuSnake World vachiti vanayo ikoko.
Aitiwo paakazobatwa nemapurisa akanga achienda kunosiya nyoka yake kune imwe shasha yezvemishonga nekuti nyoka iyi akanga asisaide; ndokutiwo ari kubatsira vanhu nekushopera nekushandisa mishonga pamatambudziko avo akasiyana-siyana, kunyanya madzimai.
Ini ndakazosvika pakuti zvechokwadi mejasitiriti vakati Mupinganjira aende kunotariswa kuti pfungwa dzake dzakakwana here vane zvavakanga vaona. Murume uyu ane zvinhu zvakawandisa zvaari kutaura zvekuti zvizhinji zvacho zvinopedzisira zvave kupesana.
Dai Mupinganjira riri bhini remarara, dai rave kufashukira, uye mamwe marara ave kutosvibisa nharaunda nekushevedza nhunzi.
Asi chandakaona, chandiri kudawo kuti nemiwo muone, ndokunge musina kuchiona, ndechekuti murume uyu ane muchinjikwa mumba make maanorapira vanhu. Ehe, muchinjikwa chaiwo – mutsvuku.
Kwayedza payakanyora nyaya yake, Mupinganjira akatorwa mufananidzo akapfeka hembe yake yeretso, achinongedzera netsvimbo yake mapfupa eshiri yerudzi rwegora aanoti anoshandisa pakushopera. Asi pazasi pemapfupa egora, pane mufananidzo wemunhu, pazasi pemufanidzo wemunhu uyu, pobva paita muchinjikwa mutsvuku.
Ndine shungu dzakanyanya kuti dai Mupinganjira atiudzawo kuti muchinjikwa waJesu uri kuitei mumba men’anga. Nekuti Mwari vakagara varamba zvekubvunza vakafa, kana masvikiro, n’anga, varoyi nevanoita mashura.
Saka Mupinganjira anoshandisa muchinjikwa mutsvuku uri mumba make izere mishonga nemakona chirudzii? Haasi here mumwe wevarevi venhema vazara vanoti vanoporofita, asi vachishandisa mweya yemashave, njuzu nemagora?
Mupinganjira kana achiti muMoziremu, zvinoreva kuti haatombeve nechekuita naJesu nemuchinjikwa wake, nekuti maMoziremu vanotenda Mohammed kwete Kristu.
Pamusoro pen’anga, masvikiro, varoyi nemashave Mwari vanoti, “Pakati pako hapafaniri kuwanikwa munhu anopinza mwanakomana wake kana mwanasikana wake mumoto, kana anouka, kana anotenda mashura, kana anoita mazango, kana muroyi, kana n’anga, kana anobvunza masvikiro, kana muuki, kana anobvunza vakafa. Nekuti vese vanoita zvinhu izvi vanonyangadza Jehovha.”
Muchinjikwa waJesu hauna nzvimbo mumba men’anga. Jesu mutsvene, uye n’anga ngadzirege kurasisa vanhu dzichiita sekuti dziri kurutivi rwechiyedza, asi idzo dzichichengeta nyoka nekuuraya vanhu saMupinganjira.
Mupinganjira haasi munhu akanaka, nyangwe achiti anobatsira vanhu vane matambudziko. Iyo nyaya yekuti tave vanhu vanoda kugara vachiporofitwa, nyangwe nemweya yetsvina, mweya inouraya, mweya inoshandisa nyoka – ratove dambudziko guru munyika. Mupinganjira ngaabude pachena kuti chii? Muroyi here? In’anga here? Muporofita here?
Kana Mupinganjira achitotaura ega kuti apedza kuuraya hama dzake, ko vanhu vanoenda kwaari haagonewo here kuti vauraye vanhu vari kuvanetsa?
Chenjerai kupinzwa mune mamwe madhiri mukazofa muchiyaura, nekuti munenge maita sungano naSatani.




