‘Vechidiki musagarire mawoko nguva ino’

Kingstone Mapupu
MURIMI wechidiki kudunhu raMambo Bepura kuGuruve, kuMashonaland Central okurudzira vamwe vezera rake kuti vasagarire mawoko asi kuti vapinde mukurima zvirimwa zvakasiyana zvakaita sefodya izvo zvinogona kuvapa pundutso muupenyu hwavo. LIoyd Masango (21) wekwaSabhuku Chingwaru kwaMagaya anoti ari kuwana raramo kubva mukurima fodya uye parizvino ane nhondo dzefodya dzave kuda kudyarwa munguva pfupi iri kutevera.

“Vechidiki vazhinji muno vave kurima fodya apo tiri kubatsirana nevabereki vedu nekuti nekuda kwekushaikwa kwemabasa takaona kuti tikangogara hapana chedu. Izvozvi nhondo dziri mubindu redu ndedze varimi gumi, kusanganisira ini. Takazviitira pamwe chete kuti tisanetsekane pakudiridza nekukomberedza ruzhowa rwebindu redu,” akadaro.

Anoti upenyu hwavo hwasimukira zvikuru nekurima fodya uye mwaka wakadarika akarima munda wefodya wakatandavara mahekita maviri.
“Ndakarima mbeu yeKutsaga yeKRK26 inova yandakadyara izvozvi, ndinoti kune vamwe vangu vechidiki ngavapinde mukurima pane kumhanyira kunotsvaga mabasa nekuti mabasa acho hakuna. Izvozvi ndave nemombe dzangu neimwe midziyo yepamusha,” akadaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *