Vechidiki vakaita chibvumirano

CHIKWATA cheHarare City FC chakaita chibvumirano neSt Johns Chikwaka High School kuti chivhure boka renhabvu (academy) pachikoro ichi apo chichazenge chichitumira vatambi vechidiki kunodzidza vachiita zvenhabvu zvakare.

Harare City yakavamba Academy inotarisirwa kubika vatambi venhabvu vemangwana iyo ichange ichitungamirirwa naElvis ‘Chuchu’ Chiweshe achibatsirwa naMasimba Dinyero.

Mutevedzeri wasachigaro weHarare City, Stanley Ndemera, akati Academy iyi ichasimudzira vatambi vakawanda.

“Tiri kuumba Academy yedu iyo tinoda kubika vatambi venhabvu vemangwana.

“Tine chibvumirano chatakaita neSt John’s Chikwaka kuti chive chikoro icho tichange tichishanda nacho mukuvamba Academy yedu iyi. Vatambi vemuAcademy vachanodzidza ikoko uye tichatumira murairidzi wedu uyo achange achigara achishanda navo.

“Tinokoshesa dzidzo yemwana saka vana vanotanga vaenda kuchikoro kana vapedza vozoita zvenhabvu,” akadaro Ndemera.

“Vatambi vanenge vaonekwa kuti vane tarenda rinonwisa mvura nevarairidzi vedu – Elvis Chiweshe naMasimba Dinyero – tichavaendesa kuchikoro uko vachange vachinofunda pamwe nekutamba nhabvu. Izvi zvatiri kuita zviri mugwara chairo rakatarwa pamutemo weFifa pamwe neZifa.

“Tine chivimbo chekuti vatambi ava vakakura vose vachitamba nhabvu, mune ramangwana zvikwata zvakasiyana hazvizombonetsekane kutsvaga vatambi sezvo vanenge vazere vatinenge takabika isu,” akadaro Ndemera.

Zvakadaro, Ndemera akaenderera mberi achiti vane tarisiro huru yekuti gore rinotevera vachatangisa Academy yevasikana.

“Vanasikana tinofanirwa kuvasimudzira uye ibasa redu.

“Zvose zvatichiita nekuronga tichange tichiitirawo vanasikana nekuti vakakosha zvikuru. Gore rinotevera tiri kuvambawo Academy yavo iyo tichange tichiendesa vamwe kuchikoro kuti vanodzidza zvemitambo,” akadaro Ndemere.

Related Posts

Mwanasikana (6) afa arohwa, ndokubatwa chibharo

Raymond Jaravaza MAPURISA ekuBulawayo ari kuferefeta nyaya inosuwisa zvakanyanya yemwanasikana ane makore matanhatu okuberekwa uyo akafa mushure mokunge abatwa chibharo pamwe chete nekurohwa nevamwe vakomana vatatu. Mwana uyu (zita tinaro)…

Mbavha (43) yoti yakatanga kuba iri Grade 3

Danisa Masuku MURUME ane makore 43 okuberekwa wekuBulawayo akatanga kuba ari Grade 3 izvo zvakazoona achipara mhosva 26 dzekuba mudzimba pamwechete nemumalodge uye ndokuzotongerwa kugara mujeri kwemakore mapfumbamwe mushure mekubvuma…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *