Mota yekubuda zinyoka ichiripo

MOTOKARI iye yerudzi rweHonda Fit inonzi yakaita tsaona panzvimbo yemabhizimusi ekwaMurambinda, kuBuhera svondo rapera, varidzi vayo ndokuburutsa zinyoka mubhuti iro vakatanga kupa mhunga richidya, inonzi ichiripo pagaraji payakasiiwa.

Svondo rakapera Kwayedza yakaburitsa nyaya yevarume vaviri vaive mumotokari iyi, avo vanonzi vanoshanda neimwe n’anga yekuChipinge ine mukurumbira (zita tinaro).

Pakaitika tsaona iyi, vaviri ava vanonzi vaibva kunotora mukweshwa wenyoka iyi nezvimwe zvinhu kwaGaza, kwakare kuBuhera, uko zvakange zvakwereteswa mumwe murume nen’anga iyi uyo aida kuzvishandisa mukutsvaga kupfuma.

Mushure mekunge zinyoka iri radyiswa mhunga pamwe nekupihwa mvura yekunwa, varume ava vanonzi vakazoisa zinyoka ravo mubhegi ndokunokwira kombi vachisiya motokari yavo kuti igadzirwe uye vakavimbisa kuti vaidzoka.

Muridzi wegaraji rakasiiwa motokari iyi panzvimbo yeMurambinda Growth Point, VaNoah Tigere (40), avo vakazvionera nyoka iyi ichiburitswa mubhuti ndokuzopihwa mhunga, vanoti motokari iyi chiripo pagaraji ravo.

Zvakadaro, VaTigere vakaratidza kutsutsumwa nekubuda kwakaita nyaya iyi muKwayedza svondo rapera zvisinei nekuti pavakataurwa navo munyaya yekutanga, vainge vaziva, ndokusununguka kuti ibude muKwayedza.

“Vakomana mungabva maburitsa mufananidzo wangu pa’front page’? Mandikanganisira makasitoma angu haazouya. Ndinodawo mari yacho nekuti makaita mari chaizvo bepanhau renyu rakapera kuno nekuHarare kana kwaMutare chaiko. Mukoma wangu akarishaya ndokuzouya kumahofisi enyu paHerald (House muguta reHarare).

“Asi varidzi vemotokari iyi havana kuuya kuzotora mota yavo kusvika izvozvi. Ndave kushaya kuti vanofungei,” vakadaro VaTigere svondo rino.

Vanoti kana kugadzira motokari iyi havasati vatanga sezvo vakamirira kudzoka kwevaridzi vayo.

“Kana kuridza nhare havasi vanhu ivava, saka ini handigadzire motokari yavo kudzimara vadzoka. Handizive, ndave kungomirira. Asi foni yangu yave kugara isina bhatiri nekuda kwenyaya iyi nekuti handipedze mineti pasina aridza nhare nekuda kwenyaya iyi,” vakadaro.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×