Vision 2030: Makoreji osandura mashandiro

Tandayi Motsi

HURUMENDE iri mushishi kuvandudza zvidzidzo zvemabasa emawoko zvinoitwa nevechidiki 7 868 vari mumakoreji 72 ari muZimbabwe nedonzvo rekuti kuburwe vadzidzi vanozobatsira mubudiriro yenyika zvichienderana nechiono cheVision 2030 chekusimudzira upfumi hwenyika.

Mashoko aya akataurwa nguva pfupi yadarika nemutevedzeri wegurukota rinoona nezvevechidiki, mitambo nezvekutandara – Cde Yeukai Simbanegavi – mudare reSenate apo vaipindura mubvunzo wemumiriri weBulawayo, Senator Siphiwe Ncube.

Sen Ncube vaida kuziva huwandu hwezvikoro zvinodzidzisa mabasa emawoko (Vocational Training Centres) zviri munyika.

Cde Simbanegavi vanoti nedonzvo rekusimudzira zvidzidzo zvemabasa emawoko munyika, bazi ravo riri kuona kufambiswa kwemabasa kumakoreji anosvika 72 anofundisa mabasa aya apo 51 acho ari kushanda zvizere.

Vanoti kune vanoda kuita zvidzidzo zvemabasa emawoko, hapana dzidzo yavanotarisirwa kunge vanayo kunyangwe zvazvo avo vakapasa O-Level vachida kuita makosi vanokwanisa kuaitawo.

“Wose wechidiki ane makore ari pakati pe15 ne35 okuberekwa anokwanisa kutsvaga nzvimbo yekudzidza mabasa emawoko pane ipi zvayo koreji. Chinangwa ndechekuti tive nechikoro chimwe chete chemabasa emawoko mudistrict rimwe narimwe.

“Bazi redu pari zvino riri mubishi kuvandudza zvidzidzo zvinoitwa muzvikoro zvemabasa emawoko nedonzvo rekuti vechidiki vave neruzivo rwakadzama kuitira kuti vabatsire mukusimudzira upfumi hwenyika zvichienderana nechiono cheVision 2030,” vanodaro.

Vanoti pari zvino vadzidzi vari muzvikoro zvemabasa emawoko munyika yose vanosvika 7 868.

Dunhu reMashonaland East ndiro rine vadzidzi vakawanda kudarika mamwe avo vanove 1 598, richiteverwa neManicaland (1 543), kuchizouya Mashonaland Central (1 136), Masvingo (1 069), Midlands (885), Bulawayo (574), Harare (405), Mashonaland West (300), Matebeleland South (190) ne168 vekuMatebeleland North.

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×