Vobatsirwa neZunde Ramambo

Kingstone Mapupu

MAMBO Chireya vekuGokwe vanoti vari kuita mabasa ekubatsira mhuri dzakarasikirwa nehama nekuda kwechirwere cheCovid-19 neavo vane denda iri zvichitevera kuumbwa kwehomwe yekuvayamura mune zvakasiyana.

VaHenry Chidzivo (54), avo vanova Mambo Chireya, vanoti zvakakosha kubatsira vanhu vane matambudziko ari kukonzerwa nechirwere ichi.

“Mudunhu rangu kubva pakatanga kunzi vanhu vagare kudzimba mumwedzi waKurume gore rakapera kusvika zvino nekuda kweCovid-19, tarasikirwa nevanhu vakawanda avo ndisingagone kuwana huwandu hwavo chaiho pari zvino. Asi tine mhuri dzakasara vana vava nherera, dzimwe dzimba dzikavharwa nekudaro kuburikidza nemasabhuku angu anodarika mazana maviri, takaumba homwe inobatsira mhuri dzakawirwa nedambudziko iri,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti homwe yavanodaidza kuti Chireya Covid-19 Zunde Ramambo iyi yakamirira kubatsira mhuri dzakafirwa nehama kuburikidza nechirwere ichi pamwe chete nevanorwara nacho.

“Chirongwa ichi takachivamba gore rakapera tichibvira kumasabhuku edu vachiunganidza zvose zvavanowana kubva kuvanhu vavo zvakaita sechikafu uyewo nemari,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoti masabhuku avo anokwana 230 ari kuunganidza zvinhu zvinosanganisira chibage, mhunga, zviyo, nzungu, nyimo, muriwo wemufushwa, matomatisi nemari izvo vanochengeta zvichizomirira kubatsira mhuri dzinowirwa nedambudziko iri.

“Ini samambo, ndini sachigaro wehomwe iyi ndichitevedzerwa nemasadunhu angu ose kuchizoteverawo masabhuku. Mumusha wasabhuku woga-woga makasarudzwa Covid-19 komiti,” vanodaro Mambo Chireya.

Vanoenderera mberi vachiti, “Covid-19 yakazouya dzimwe mhuri dzapera kufa kuburikidza nechirwere cheHIV neAIDS nezvimwewo zvirwere saka homwe yatakaumba iyi inobatsirawo vanhu vakasiyana.”

Vanoti vari kushanda pamwe chete nenyanzvi dzezveutano dzemudunhu ravo mukurwisa kupararira kweCovid-19.

“Mudunhu mangu imhosva munhu kuonekwa asina kupfeka masiki, parufu vanhu havaungane uyewo mitumbi yave kuvigwa musi wafa munhu pasina kuti vanhu vanorara vachichema vakarindira chitunha,” vanodaro Mambo Chireya.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×