‘Zvinoda kukasika kunovhenekwa’

Abel Ndooka

NYANZVI yezveutano – Professor Elopy Sibanda – vanoti zvakakosha kuti vanhu vachimbidze kunovhenekwa nemachiremba kana vaine fungidziro yekuti vabatwa nechirwere cheCovid-19 kuitira kuti varapwe nekukasika.

Prof Sibanda – avo vanova muridzi weTwin Palms Medical Centre GAMMA Allergy and Immunology Laboratory inove imwe yenzvimbo dziri kuvhenekwa vanhu chirwere ichi – vanoti vanhu vakawanda vari kubata denda iri asi vogara naro uye vamwe vosvika pakufa zvotozozivikanwa kuti vange vane Covid-19 pashure.

Vanoti izvi ndizvo zvimwe zviri kuita kuti chirwere ichi chirambe chichipararira sezvo vanhu vari kuverengera kana kutya kunoongororwa nguva ichiripo.

“Chiri kupedza vanhu inyaya yekuti vari kutya kunotariswa kuti vane Covid-19 here kana kuti havana. Asi zvakakosha kuti vanhu vavhenekwe nguva ichiripo sezvo zvichibatsira kuti vezveutano vagone kutora matanho chaiwo anodiwa kuti denda iri risarambe richipararira.

“Covid-19 haidi kunonokerwa, munhu akangofungira kuti inenge yamubata ngaatomhanya kunachiremba anobatsirwa orapwe nguva ichiripo. Vakasavhenekwa ndipo vanhu vanofamba vachiitapurira kune vamwe,” vanodaro Prof Sibanda.

Vanoti zvakakoshawo kuti vanhu vagare vachidya chikafu chinovaka muviri sezvo chiri icho chinoumba masoja anorwisa zvirwere zvakasiyana.

“Chikafu chatinodya chakakosha chaizvo panguva ino. Tinofanira kudya chikafu chine utano, chine mavhitamini akawanda nekuti anodiwa mumuviri uye anobatsira pakurwisa denda iri kana rikapinda mumuviri.”

Vanoti mhando yeCovid-19 iyo yakanyuka kepiri nguva pfupi yadarika iri kupararira nekukasika kana zvichienzaniswa neyekutanga.

“Covid-19 yepiri iyi iri kubata mazera ose – vakuru nevadiki – saka zvakakosha kuti vanhu tirambe tichitevedzera mitemo yose yakatarwa neHurumende inosanganisira kuti vanhu vagare kudzimba kuitira kuti denda iri risarambe richipararira,” vanodaro Prof Sibanda.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×