Vodzidzisa vana kwakabva Zim

Tandai Motsi
SANGANO rakazvimirira reZimbabwe Heroes Shrines Services and Education Trust (ZiHSSET) – iro rakaumbwa nevaive varwi vehondo yerusununguko rweZimbabwe – rinoti rakavamba zvirongwa zvekudzidzisa vana vechikoro kukosha kwehondo yerusununguko kuburikidza nekuti vashanyire nzvimbo dzakavigwa magamba sekuChimoio, kunyika yeMozambique.

Muhurukuro neKwayedza, Cde Washington Bangalila – avo vanova muvambi wesangano iri – vanoti donzvo ravo nderekuti vana vechikoro vazive kwakabva nyika yavo.

“Tiri kushanda nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari mukuita zvirongwa zvekuti vana vechikoro vashanyire nzvimbo dzakavigwa magamba ehondo yerusununguko sekuChimoio. Chinangwa chedu chikuru ndechekuti vana vazive kukosha kwehondo yakaunza rusununguko rweZimbabwe,” vanodaro.

Cde Bangalila vanoti vari kushanda zvakare neveNational Museums and Monuments of Zimbabwe mukuvandudza dzimwe nzvimbo dzakavigwa varwi vehondo yerusununguko.

“Tiri kushandawo neveNational Museums and Monuments of Zimbabwe mukuvandudza nzvimbo dzakadai semarinda ekuChimoio. Panzvimbo iyi pakavigwa varwi vehondo yerusununguko rweZimbabwe vakawanda, uye hapana zvimbuzi asi panoshanyirwa nevanhu vakawanda avo vanonoona makuva aya. Saka tinoda kuvakisa zvimbuzi papo. Tiri kukumbirawo kune vemabhizimisi kuti vatibatsirewo mukuvandudza nzvimbo iyi,” vanodaro.

Vanoti mamwe matambudziko avari kusangana nawo ndeekushaya motokari yekufambisa mukuita mabasa avo.

Varwi vehondo yerusununguko vanodarika 3 000 vakafira paChimoio pamwe chete nevana apo muzinda uyu wakabhombwa nemauto eRhodhesia mugore ra1977.

Vanoda kubatsira ZiHSSET vanoridza nhare panhamba dzinoti 0773 822 454 votaura naCde Bangalila kana 0772 266 496 votaura nemunyori wesangano iri, Cde Florance Chimuchenga.

 

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×