Vodzidzisa zvemhuka dzesango

Kingstone Mapupu
VANOONA nezvekuchengetedzwa kwemhuka dzesangano, veZimbabwe Parks and Wildlife Authority (ZimParks), vari kukurudzira vadzidzi vachangopedza chikoro – nevamwewo veruzhinji – kuti vaite zvidzidzo zvekuchengetedzwa kwemhuka nemasango pamwe chete nezviwanikwa kuburikidza nekoreji rayo yeMushandike College of Wildlife Management.

Koreji iyi inowanikwa kunzvimbo yeMushandike, kudunhu reMasvingo, uye yakavambwa mugore ra1987.

VaTrevor Hoko – avo vanova mumwe wevadzidzisi pakoreji iyi – vanoti kune vanhu vashoma vanoziva nezvekoreji yavo.

Zvidzidzo zvinowanikwa pakoreji iyi zvinosanganisira dhigiri rimwe chete, madiploma uyewo macertificates akasiyana pamusoro pekuchengetedzwa kwemhuka, masango nezvimwe zviwanikwa.

Mumwewo mudzidzisi wepakoreji iyi – VaPhillip Hukuimwe – vanoti chikoro ichi chiri kubatsira zvikuru mukupa dzidzo yemachengeterwo emhuka nezvimwe zviwanikwa.

“Mamiriro ekunze munyika medu nepasi rose ari kusanduka zvinosvikawo pakubata mhuka dzedu dzesango nemasango acho. Zvose izvi nezvimwe zvinodziidzwa pachikoro chedu kuitira kuti vadzidzi ava pavanozopedza vave kuenda kumabasa kwakasiyana vanenge vachiziva nzira dzekurwisana nematambudziko ekusanduka kwemamiriro ekunze,” vanodaro VaHukuimwe.

“Chikoro chedu chinowanisa degree reBachelor of Science (Honours) in Wildlife and Protected Area Management apo tinoshanda pamwe chete neyunivhesiti yeNUST rinova iro ratinaro chete richitora makore mana,” vanodaro.

Zvimwe zvezvidzidzo zvinoitwa pakoreji iyi zvinosanganisira zveHigher National Diploma in Wildlife Management (HEXICO), National Diploma in Wildlife Management (HEXICO), National Certificate in Wildlife Management (HEXICO) neNational Foundation Certificate in Wildlife Manangement.

Mukushi wemashoko kuZimParks, VaTinashe Farawo, vanokurudzirawo vadzidzi kuti vaende kunoita makosi akasiyana pakoreji yavo iyi. “Tinoti kuvana nevanhu vakuru ngavauye vadzidziswe mararamiro emhuka mumasango nezvimwewo. Tine mamwe makosi enguva pfupi anosanganisira Learner Professional Hunter and Guides, Tour Guiding, Tracking neParamilitary skills,” vanodaro.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *