Zvinhu zvakawanda zviri pamwe

Ticha Danga
KUDZIDZA kunoramba kuchienda mberi chero zvazvo bvunzo rakauya rikadarika. Ndinozviziva kuti pakange pakaoma chose apo vanhu vaigadzirira bvunzo nekudaro vanoda kumbofurwa nemhepo.

Yambiro yangu ndeyekuti gejo rikagara nguva yakareba risingarime rakangoiswa muberevere memba rinopedzisira raita ngura rozotadza kunyatsoridigura mavhinga kana mvura yaturuka.

Zvakangofanana nemwana wechikoro wekuti akasazvipa nguva yekumbopota achirodza pfungwa dzake, anopedzisira asisagone muchikoro paya pachinozovhurwa.

Mukana uno tinoda kuushandisa kumboona zvakanangana nemazita anopihwa zvinhu zvakaungana pamwe chete sekuti kana mombe dzakasungwa dzichirima dzinonzi chipani.

Kumamisha vanhu vanotema nekuunganidza masanzu anozososereswa mapindu. Murwi wemasanzu unonzi dwyanitwyani kana kuti dywadywani. Kana uri murwi wehuni unonzi svinga kana kuti chiuni kana uri weuswa unonzi mwanda. Mudungwe wavanhu vakamirira kuvhota unonzi gwamba.

Vadzimba vakabata hove, shiri kana mbeva dzakawanda vanodziisa pamudungiriro wemuti dzobva dzanzi dzakatsaka rembeva kana muduriro wehove. Kana mapfunde akohwewa asi asati apurwa anounganidzwa onzi mutanga wamapfunde.

Kana azoiswa muzitswanda asati apurwa anonzi shoshe, dengu kana kuti mutsitsi wemapfunde.

Kana michero ikabereka zvakanaka pamuti uye ikarembera tinoti marembesanwa emichero. Kana ari yemabhanana tinoti musumburumbu.

Masango anogona kuita mhando yemiti iyo inenge iri pamwe chete. Miti iyoyo inodaidzwa kunzi chichesi kana kuti bumburudzi remiti kozoti kana chiri churu chizere nemiti chinongonzi zuru remiti. Kana iri miti yamazhanje kana kuti mashuku rinonzi jiri.

Miti yemukute inomerawo yakawanda panzvimbo imwe chete, mungava mubani kana mumahombekombe merwizi yobva yanzi gute. Kana yakamera paminhanga nekumafuro emombe inenge yonzi mikudzapwere.

Nyuchi dzakaungana pamwe dzinonzi mukuze kana kuti bumha asi kana dziri muya madzinodirira uchi hwadzo dzinenge dzichinzi mukoko wenyuchi. Vana venyuchi vari vazhinji vari pavanoberekerwa vanonzi zana renyuchi.

Mago akaungana anonzi nhundu. Vana veinda vakawanda vari panzvimbo imwe chete vanonzi marakadzi.

Zvipikiri nesvumbunuro zvikaunganidzwa zvinonzi dzakatsaka rezvipikiri. Mushure mekutsvaira dota tinorirasira panzvimbo imwe chete uye kana rawanda robva ranzi zambarota kana zambadota.

Related Posts

Makore 2 mujeri abaya muvakidzani nebanga vachibva kudoro

Sukulwenkosi Dube-Matutu MURUME ane makore 22 okuberekwa akatongerwa kugara mujeri kwemakore maviri nemhosva yekubaya muvakidzani wake nebanga pasina chikonzero apo vaibva kunonwa doro kuFilabusi. Engus Tsumbeni akabatwa nemhosva yekuedza kuuraya…

Murume (23) abatwa nemhosva yekupfeka kamafurashi

Danisa Masuku MURUME wekuBulawayo ane makore 43 okuberekwa akabatwa nemhosva yekuwanikwa aine kamafurashi zvisiri pamutemo uye nekuipfeka zvakare. Qhubekani Mkhize (43) anogara kuNguboyenja, kuBulawayo akamiswa mudare reko pamberi pemutongi VaGolden…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×