Mamiriro akaita kunze

KUNZE kunotarisirwa kunge kuine zuva uye kuchipisa zvikuru munyika yose kubva nemusi weChitatu.

Kunyangwe zvazvo kugadzirira minda kwakakosha panguva ino, avo vanoshandira pamhene nevamwe vanenge vachiita zvakasiyana vanokurudzirwa kuti vagare vachinwa mvura yakawanda.

Kana zvichibvira, veruzhinji vanokurudzirwa kugara vakafuga maamburera kana kupfeka nguwani dzinodzivirira kutsva nezuva.

Garai muchiona kuti vanhu vakaita sevana, varwere nevakwegura havazi kushomekerwa nemvura mumiviri yavo.

Nemusi weChina, kunze kunotarisirwa kunge kusina makore munyika yose. Zvisinei, kunzvimbo dzinosanganisira Beitbridge, Chiredzi neChipinge kunotarisirwa kuti kuchange kwotanga kutonhorera munguva dzemanheru.

Chiziviso: Kubatidza moto panzvimbo yakakura nechinangwa chekuda kuchenesa nzvimbo imhosva inoendesa munhu kujeri. Tsvagai mazano kubva kune veEMA kana kuvashandi veAgritex kuti mugoudzwa nzira kwadzo dzekuchenesa nzvimbo yamunenge muchida kurima. – Meteorological Services Department.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *