Vofarira kudzoka kwe’extra-lessons’

Nyasha Mutena
VANA vechikoro vari kutenda nekurumbidza Hurumende zvichitevera kubvimidza kwayakaita kuti zvidzidzo zvepazororo, zvema”extra-lessons”, zvichitange kuitwa zvakare zvichitevera kumbomiswa kwazvainge zvaitwa nguva yadarika.

Bazi redzidzo yepuraimari nesekondari rainge rambomisa zvidzidzo izvi richiti zvimwe zvikoro nevadzidzisi vakange vave kushandisa maextra-lessons senzira yekutorera vabereki mari nechikiribidi.

Asi svondo rapera, bazi redzidzo iri rakati zvidzidzo izvi zvinogona kuitwa nevana vari kunyora bvunzo dzakaita sedzeGrade 7, O- neA-Level pamwe nevamwe vakasaririra mufundo yavo.

Muchinyorwa, munyori mukuru webazi iri, Mai Constance Chigwamba, vakati vakuru vezvikoro vanofanira kupihwa mvumo nebazi ravo vana vasati vatanga zvidzidzo izvi.

Vakati mvumo iyi ichapihwa ndokunge kana vana vasingaite zvidzidzo izvi kwemazuva anodarika 12 panguva yezororo remuna Nyamavhuvhu.

Sinclair Mahodobi, uyo ari kuita Form 3 paChurchill Boys High muHarare, akati kumbomiswa kwakaitwa maextra-lessons kwainge kwadzikisira budiriro yevana mudzidzo zvakanyanya. Akati ainzwa manyuku-nyuku nedanho rakatorwa neHurumende rekuti vachitange kuita zvidzidzo izvi zvakare.

Mashoko ake akatsinhirwa naAllen Gwatiringa wepachikoro chimwe chete ichi, uyo akati zvidzidzo zvepazororo zvakakosha zvikuru.

“Isu sevanhu vatema, vamwe vedu vakajairira kungoita zvinhu zvekusundwa nguva nenguva. Saka danho iri rinotibatsira kuti tigare tiri kuchikoro, nguva yekutamba inoita shoma,” akadaro Allen.

Tafadzwa Muchanya ari kuita Form 3 paChurchill Boys High zvakare akati vanofanira kuona kuti vana vabhadhariswa mari yakafanira pakuita zvidzidzo izvi.

“Chinhu chakanaka, asi tinongoshuvira kuti dai vakaita zvidzidzo izvi nemutengo wakaderera nekuti vamwe vana vachatadza kuenda kumaextra lessons nekuda kwekudhurirwa bedzi,” akadaro Tafadzwa.

Nyarai Maraire, uyo ari kuita fomu 4 paKuwadzana 1 High muHarare, akati danho rakatorwa neHurumende richavapa mukana wakakwana wekugadzirira kunyora bvunzo dzeO-Level dzeZimbabwe Schools Examination Council.

Thelma Sharare akatsinhira mashoko aNyarai achiti nguva yekutamba hapachisina sezvo nguva zhinji vachange vachiita zvechikoro zvinova zvinhu zvakanaka.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×