Vofurufushwa nemuvakidzani

Gamuchirai Muzanenhamu —
VAMWENE nemuroora vekugara vachioneswa pfumvu nemuvakidzani wavo, uyo wavanoti anovashungurudza kuburikidza nekuvatuka, vakazopotera kudare vachitsvaga runyararo.

Rose Muyambo nemuroora wake, Gladys Matare, vakamhan’arira muvakidzani wavo Esther Matimati kuHarare Civil Court vachiti anogara achiuya pamba pavo achivatukirira.

“Changamire, mudzimai uyu muvakidzani wangu asi ini ndamutadza. Anouya kumba kwangu achipopota nekutaura zvaanoda hake,” anodaro Muyambo.

Anoti Matimati anoenda kumba kwake achinomupopotera zvose nemuroora wake.

“Tinogara pedyo napedyo zvekuti anongouya pamba, akawana paine muroora anotanga kumutukawo pasina zvavatadzirana. Ndinoda kuti dare rindibatsire kuti mukadzi uyu aregedze tsika yake iyoyi,” anodaro Muyambo.

Mashoko ake anotsinhirwa naMatare achiti vashaiswa rugare naMatimati.

“Ini ndinogara naamwene vangu asi Matimati anouya pamba achipopota zvisingaite zvekuti ndinobvumirana nezvataurwa navamwene vangu,” anodaro Matare.

Anoti Matimati ane katsika zvakare kekukanda matombo pamba pavo.

“Anokanda matombo pamba pedu pamusaka pehasha dzake zvekuti ndave kutotya kuti ndinokuvadzwa nematombo aya,” anodaro Matare.

Matimati anopikisana nezvese zviri kutaurwa nevaviri ava achiti: “Vakadzi ava vanonyepa. Handisati ndamboenda kumba kwavo saka kuti ndinzi ndakavatuka kana kuvakandira matombo padzimba dzavo ndinozviramba.”

Anoti haanetsane navo uye Muyambo ndiye akatomupa nzvimbo yepekugara.

“Ndinotowirirana navo vakadzi ava, kunyanya Muyambo ndiye akatondipa pandinogara,” anodaro Matimati.

Mutongi Nyasha Marufu akapa Muyambo naMatare gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×