Vogara nguva pfupi mu‘quarantine’

Tandayi Motsi

VANHU vari kuchengetwa munzvimbo dzakasiyana dzenyika vachiongororwa utano hwavo nechinangwa chekuti vaonekwe kuti havana hutachiona hwecoronavirus uho hunokonzera Covid-19 vachange vave kugara mazuva 10 kana 13 kwete 21 vasati vaendeswa kudzimba dzavo.

Izvi zvichitevera zvisungo zvitsva zvesangano reWorld Health Organisation (WHO) zvemachengeterwo evanhu vakadai izvo zvakagamuchirwa neHurumende.

Vachitaura kuvatori venhau mushure medare reCabinet muHarare nemusi weChipiri, gurukota rezvekuburitswa kwemashoko nenyaya dzenhepfenyuro, Senator Monica Mutsvangwa vanoti danho iri richakonzera kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kuchengetwa munzvimbo dzakasiyana vachiongororwa utano hwavo mushure mekunge vabva kunze kwenyika.

“Cabinet yagashira zvisungo zvitsva zveWorld Health Organisation zviri pamusoro pekuburitswa kwevanhu vanochengetwa vachiongororwa utano hwavo. Izvi zvinofanira kuona kudzikira kwehuwandu hwevanhu vari kuchengetwa. Kuzadzikiswa kwezvisungo izvi kuchaita kuti mazuva ari kugarwa nevanhu vachiongororwa adzikire uye nekuvhenekwa kwacho,” vanodaro. Sen Mutsvangwa vanoenderera mberi vachiti, “Maringe nezvisungo zvitsva izvi, avo vane zviratidzo zvechirwere vachachengetwa kwemazuva 13 uye vasina zviratidzo kwemazuva 10, kwete 21 zvichitevera kuvhenekwa kwavanenge vaitwa kaviri panguva dzakasiyana nemaawa 24.”

Kusvika nemusi weChipiri svondo rino, Zimbabwe yange yava nevanhu 787 avo vavhenekwa vakawanikwa vaine Covid-19.

Pahuwandu uhu, varwere 201 vakanaya asi vamwe vapfumbamwe vakashaya.

Vanhu vavhevekwa Covid-19 munyika yose vanosvika 81 335.

Senator Mutsvangwa vanoti Hurumende iri kuenderera mberi nechirongwa chekubatsira vanhu vanotambura avo vakakanganiswa raramo neCovid-19.

“Pasi pechirongwa chekubatsira vanoita mabasa emaoko avo vane raramo yakanganiswa neCovid-19, vanhu vanosvika 202 077 vakabatsirwa nemari. Mapurovhinzi akaudzwa kuti ape mazita evanhu kuitira kuti tisvike pahuwandu huri kudiwa hwe1 miriyoni,” vanodaro.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×