Voita hurukuro nezviteshi zvenhepfenyuro

Abel Ndooka
SACHIGARO weNorthern Region Division One, Willard Manyengavana, anoti vari kuita hurukuro nezviteshi zvenhepfenyuro dzakasiyana zvichaona mitambo yavo ichitepfenyurwa pamhepo izvo zvisati zvamboitika munhorondo yeligi iri. Gore radarika, Northern Region yakapinda muchibvumirano neZimbabwe Broadcasting Corporation izvo zvave kuita kuti mitambo iyi inge ichitaridzwa pachiteshi ichi. Manyengavana anoti ligi ravo riri kukura zvikuru uye vari kushanda zvakasimba mukutsvaga vakotsveri vanovatsigira.

“Tiri pakati pekuita hurukuro neimwe nhepfenyuro izvo zvichaona mitambo yedu ichitepfenyurwa svondo rega-rega sekuburitswa kwainoitwa paterevhizheni. “Tiri kuda kuona ligi redu richikura uye tinotarisira kuti vakotsveri vachidira mari yekusimudzira mutambo uyu.
“Mhando yenhabvu iri kutambwa nezvikwata zvakasiyana zviri kukwikwidza inoyevedza zvikuru uye zvose zviri kubika vatambi vepamusoro,” akadaro Manyengavana.

Zvakadaro, chikwata cheNgezi Platinum icho chiri kutangamira palog svondo rino chichange chiri pamusha apo chichasangana neDarwin United.

Kubva mumitambo 27 yatambwa muNorthern Region, Ngezi Platinum ine zvibodzwa 62 kozoti Darwin United iri pechi13 nezvibodzwa 33.
Ngezi Platinum mwaka uno yakangokundwa kamwe chete zvekuti ikaramba ichikavira bhora mberi mumitambo minomwe yasara, gore rinotevera inenge ichimisidzana nezvikwata zvakaita seDynamos, CAPS United neHighlanders muPrimer Soccer League.

ZRP Football Club vs Black Rhinos
Svondo rino muNorthern Region maziso ose achange ari pamutambo weZRP Football Club neBlack Rhinos.
Svondo radarika, ZRP Football Club yakakunda ZRP Morris mumutambo weZRP Derby kozoti Black Rhinos yakakwanisa kuita mangange 0-0 neDstv Rangers.
ZRP Football Club yakagara pechipiri mulog nezvibodzwa 46 ichitevera mumashure meNgezi Platinum kozoti Rhinos ‘Chauya Chipembere’ iri pechina nezvibodzwa 43.
Mitambo
Blue Swallows v Ngezi
Cargo Carriers v Herentals
Karoi United v Mushowani
Dstv Rangers v Gunners
ZRP Morris v Black Rhinos
Starbill v ZRP FC
Zatex v Seven Flames
Blue Jets v Lake Harvest
DC Academy v Darwin

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×