Voitira tsvina mumigomo mudhorobha

Muchaneta Chimuka

PAKATI pedhorobha reChitungwiza, vamwe vanhu vave kuitira tsvina neweti yavo mumigomo nemuzvikweshe vozoishapudzira kurasa panze nepamahwindo nechikonzero chekuti zvimbuzi zveko zvava nechipo chemakore mashanu zvisingashande.

Izvi ndizvo zviri kuitika padzimba dzinongozivikanwa nekuti “Kumahositeri” kudivi reunite G, pedyo neMakoni shopping center.

Kwayedza payakaenda ichida kunoita nyaya iyi, vatori venhau vakapotsa “vabhabhatidzwa” netsvina neweti nevagari vemudzimba idzi avo vanoti, “Zvazviri zvitori right. Tingade kuvakirwa chimbuzi isu tiine nzara?”

. Onai nyaya iyi izere muKwayedza resvondo rino.

Related Posts

Baba vazvisungirira vaita makunakuna nevanasikana vavo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 50 ekuberekwa wemubhuku raParowa kwaMambo Marange, kwaMutare akawanikwa akafa svondo rapera munyaya inofungirwa kuti akatora upenyu hwake mushure mekunge anetsana nemwanakomana wake uyo aimupomera mhosva…

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *