Vonetsanirana mwana akaremara

Nyasha Chabvonga
MUKADZI wekupomerwa nemurume wake kuti akazvara mwana chirema nekuda kwekuti haabvire mun’anga akatozokwidza nyaya iyi kumatare.

Diana Muzhowe akamhan’arira Righton Madyise kuHarare Civil Court achiti ari kugara achimushungurudza.

“Unogara uchindituka pamberi pevanhu uchiti ndinoenda kun’anga naamai vangu pamwe nekundipomera hurema huri pamwana wedu kuti ndini ndakazvikonzeresa nekuenda kwangu kun’anga asi iwe uchiziva kuti pakumupona BP yangu yakanga yakakwira,” akadaro Muzhowe.

“Unondirova iwe, hapana chandinotaura chaunoisawo munzeve dzako.”

Akaenderera mberi achiti murume wake haanyari uye haana matyira nokuti anotora zvinhu zvake vasina kuwirirana nekuda kutengesa imba muchivande.

“Kutaura kuno handiti uri kutengesa imba usina kundizivisa?

Unotora mota dzangu uchiita matekisi pasina mvumo yangu. Ini zvokutaura newe handichada zvangu, ndokusaka ndauya kuno kudare,” akadaro Muzhowe.

Madyise akapokana naMuzhowe achiti: “Vedare, handina kumborwara nepfungwa zvekuti ndingatengese imba iri muzita risiri rangu. Iwe, inga unozviziva wani kuti imba iyi ndakakutengera nokuda kwerudo rwandinarwo pauri uye semudzimai wangu anondizvarira vana.

“Kana uchiti ndinokurova buritsa umboo hunoratidza kuti wakamhan’ara kumapurisa kuti ndinokushungurudza. Zvemwana nen’anga zvaunotaura izvo kunyepa chaiko.”

Mutongi Barbra Mateko akapa Muzhowe gwaro redziviriro nererunyararo ndokuti vaviri ava vagarisane zvakanaka.

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×