BAZI rezveutano nekurerwa kwevana svondo rapera rakatanga chirongwa chekudzivirira vana vari pasi pemakore 15 okuberekwa kuchirwere chebilharzia.
Pasi pechirongwa ichi, vana, kusanganisira vari muzvikoro, vari kupihwa mishonga yekudzivirira chirwere ichi.
Chirongwa ichi chinogara chichiitwa gore negore.
Chirwere chebilharzia chinokonzerwa neutachiona hunodaidzwa kuti “schistosomiasis”.
Utachiona uhu hunowanikwa mumvura inenge isina kushambidzika uye hunogona kutakurwa nehozwa dzemumvura huchizopedzisira hwasvika kuvanhu.
Kana vanhu vakanwa mvura isina kuchengetekedza iine utachiona uhu, pane mukana mukuru wekuti vatapurirwe chirwere chebilharzia.
Kutuhwina munzizi, hova kana madhamu ane mvura isina kufiritwa nemishonga yechlorine iyo inobatsira mukuuraya utachiona uhu kune njodzi huru.
Vana, kunyanya avo vanofarira kutuhwina nekutambira mumadhaka, vari panyatwa yekubatira chirwere ichi.
Zvimwe zvezviratidzo zvechirwere ichi ndezvekuti murwere anorasa mvura achirwadziwa uye ichipedzisira nekubuda kweropa.
Murwere anogona kupera simba, kuita dzungu kana kurutsa uye munhu ane bilharzia anokasika kunzwa nzara zvisinei nekuti anenge achangobva mukudya.
Zvimwe zvezviratidzo izvi kupera simba nekuita manyoka ane ropa.
Kana chirwere ichi chikanonoka kurapwa chinogona kukuvadza chiropa.
Zvakakosha kuti vanhu vave netsika yekugara panzvimbo dzakashambidzika uye dzakaoma nekuti utachiona hunoparadzira chirwere ichi hunofarira nzvimbo dzine hunyoro.
Veruzhinji vanokurudzirwa kufashaidza mvura yekunwa kana yekugeza kuderedza mikana yekubata chirwere ichi.
Vabereki vanofanira kuisa ziso ravo kuvana vavo kuitira kuti vasatuhwina mumadziva ane mvura yakasviba nekuti ndimo munonyanya kubva bilharzia.
Madziva iwayo anotuhwinwa neveruzhinji anofanira kufiritwa nemishonga inouraya utachiona zvakare.
Kana munhu achinge aita tsaona, zvakakosha kuti maronda ake ange achigezwa nemvura yakachena kuitira kudzivirira mikana yekupindwa neutachiona uhu.
Kana pachinge paita dambudziko rechirwere ichi vanhu vanokurudzirwa kuenda kuchipatara nekukasika.
Murwere anogona kupihwa mishonga yakaita seAlbendazole nePraziquantel iyo inobatsira mukuuraya utachiona hunokonzera bilharzia mumuviri.



