Vopihwa mabhuku ezveutano

Daphne Machiri
SANGANO reRotary Club of Harare rinoti rakazvipira kusimudzira zvidzidzo zvamachiremba nanamukoti munyika muno izvo zvakaona richipa mabhuku ekuverenga ezveutano kuvadzidzi vepazvipatara zviri kumativi ose enyika nguva pfupi yadarika.

Mabhuku aya akapihwa kuzvipatara zvinosanganisira Harare Central Hospital, muHarare.

Muhurukuro neKwayedza, Mai Theresa Buluzi – avo vanove mutungamiri wesangano iri – vanoti vakaona zvakakosha kubatsira vadzidzi vezveutano sezvo vachiita basa guru.

“Takaona zvakakosha kuti tibatsire vanachiremba navanamukoti nemabhuku aya apo pavanenge vachiita zvidzidzo zvavo.

“Mukupa mabhuku aya, takabatana nesangano reBook Aid International,” vanodaro Mai Buluzi.

“Hatina kubatsira Harare Central Hospital chete, asi tiri kuendesa mabhuku aya kuzvipatara zviri kune mamwe matunhu ose munyika,” vanodaro Mai Buluzi.

Vanoenderera mberi vachiti, “Tinofamba zvakare kuti muzvipatara nemumakiriniki tichibatsira nemawheel chair kune avo vakaoma mitezo uye vanhukadzi tiri kubatsirawo nenzira dzakasiyana-siyana.”

VaWadlove Makucha, avo vanova acting principal nursing tutor paHarare Central Hospital, vanotenda rubatsiro rwemabhuku urwu.

“Mabhuku aya achatibatsira nekuda kwekuti hatina masai-sai edandemutande pachipatara chino ekuti vadzidzi vashandise mukuita tsvakurudzo dzavo apo vanenge vachifunda.

“Mabhuku atange tinawo ange ave mashoma uye mamwe ange asakara. Vadzidzisiwo basa ravo richavaitira nyore sezvo vave nemabhuku achavabatsira,” vanodaro VaMakucha.

 

Related Posts

Mabviravira motosunga dzisimbe: Nsingizini

Eddie Chikamhi MURAIRIDZI weNsingizini Hotspurs, Mandla Qhogi, anoyambira chikwata cheScottland kuti chitarisire mutambo wakasiyana zvachose pachasangana zvikwata zviviri izvi mumutambo wechipiri wakakosha mumakwikwi eCAF Champions League munhandare yeSomhlolo kuEswatini Mugovera…

Hondo yekurwira mubairo we‘Golden Boot’ yakora muto

Fungai Muderere ZVIBODZWA zviri “kungonaya” mumakwikwi eZimbabwe Premier Soccer League (PSL) emwaka wa2026, paine 476 zvanwiswa mushure memitambo makumi maviri nemisere yatambwa, uye chinangwa chekusvitsa zvibodzwa 500 chave pedyo pedyo…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *