Vopinda ‘machena’ nedovi

Kingstone Mapupu, Mary Chimenya naBeatrice Gadaga

MHURI yemumusha weMbare, muguta reHarare, iri kusimudzira vechidiki nekuvapinza mabasa anoita kuti vabatsirikane kubva mumatambudziko ekuomerwa neupenyu ayo ari kukonzerwa nechirwere cheCovid-19.

Vechidiki ava vari kubatsirwa nemurume nemudzimai vanove varimi kudunhu rekwaMurehwa kuburikidza nebhindauko rekukuya dovi vachitengesa munyika muno nekunze.

VaSimon Chipfunde (36) nemudzimai wavo, Angella Chipfunde (30), vanoti vave nemakore gumi vachiita basa rekukuya dovi vachitengesa rinova basa ravasimudzira zvakanyanya.

Mai Chipfunde vanoti kubva pakatanga chirwere cheCovid-19 kumavambo egore ra2020, vari kubatsira vechidiki nekuvapinza mabasa kuti vakwanise kurarama.

“Tinoshandisa zita rebasa rekuti Wisdom Peanut Butter uye dzimwe nzungu tinorima, dzimwe tichitenga kuvarimi,” vanodaro Mai Chipfunde.

Vanoenderera mberi vachiti, “Kubva pakunotenga nzungu nekudziunza kuno kuHarare nekuzoita mamwe mabasa ose kusvika pakukuya dovi zvinoda vanhu vakawanda zvinova zviri kupa vechidiki mikana yekuti tivawanise zvekuita zvakasiyana.”

Mai Chipfunde vanoti kunze kwevechidiki, vanopinzawo mabasa varume nemadzimai uye rimwe redovi ravo vanoriendesa kunze kwenyika.

“Muno, kusanganisira kuVictoria Falls, tinoshanda nezvitoro makumi maviri uyewo kunze kwenyika tinoendesa kuSouth Africa nekumwe izvo zvave kuita kuti bhzimisi redu risimukire zvikuru,” vanodaro Mai Chipfunde.

Mai Angella Chipfunde 

Vanoti vane hurongwa hwekusimudzira basa iri nekufamba kwenguva nekuvamba kambani huru.

Mai Chipfunde vanokurudzira mamwe madzimai kuti asagarire maoko asi kuti vashande nesimba kuburikidza nekuita mabhindauko vachiriritira mhuri dzavo.

“Ndinokurudzira mamwe madzimai kuti vasamirire kushandirwa nevarume chete asi kuti voshanda pamwe chete kuti variritire mhuri dzavo. Tine mamwe madzimai vari kutenga midziyo yemudzimba nemotokari nezvimwe zvakawanda kubva mubhizimisi redovi, basa iri harina nguva sezvo dovi richidiwa nguva dzose,” vanodaro Mai Chipfunde.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×