Vopinzwa chikoro naPassade

NHENGO inomiririra Mt Pleasant mudare reNational Assembly, Cde Jaison Passade, vakatanga chirongwa chekubatsira vechidiki nevechikuru vanosvika 550 vemunzvimbo yavo kuti vakwanise kuita zvidzidzo zvemasvomu nechiRungu nedonzvo rekusimudzira fundo yavo.

Cde Pasade vanoti vakatanga chirongwa ichi mushure mekuona kuti madzimai mazhinji pamwe nevechidiki vemudunhu ravo vane shungu dzekuita zvidzidzo izvi asi dambudziko riri remari.

“Chirongwa chekubhadharira vechidiki nemadzimai, avo vakasiira chikoro panzira pamwe nevakafoira masvomhu nechiRungu, ndakachitanga munaNdira gore rino mushure mekuona kuti pane dambudziko rekushaya mari asi ivo vaine shungu dzekudzidza. Ndinovabhadharira mari yemafizi neyekunyora bvunzo zvekuti pari zvino ndiri kubatsira vadzidzi 550,” vakadaro.

Vanoti izvi zvinobatsira kuti vadzidzi ava vazowanawo mabasa anoenderana nefundo yavo.

“Munzvimbo yeMt Pleasant mune vemabhizimusi vakawanda vane zvitoro asi pavanoshambadza mabasa tinoona vachiti vanoda vanhu vakapasa masvomhu nechiRungu. Ndiko kusaka ndiri kubatsira. Tine vadzidzi 250 vari kunyora bvunzo mumwedzi waGumiguru,” vakadaro.

Cde Passade vakafunda paThomplison High School, muHarare.

“Ndakasundwa nemweya wekubatsira vechidiki kunyanya nekuti panguva dzesarudzo ndakaona kuti vazhinji vacho vanenge vakamira nesu asi dambudziko rekushaya chikoro ndiro guru. Kana munhu asina kufunda anongoita zvose-zvose zvaanenge afunga kuti awane mari opedzisira apara mhosva sekuba.

“Vamwe vechidiki vanogona kana kutobvuma kunoita mhirizhonga nekuda kwekuti vanenge vatumwa nevane mari. Asi kana vakafunda vanoziva kuipa kwazvo.” VaGodwin Alufayi, avo vanoshanda semunyori waCde Passade, vanoti mukati mevadzidzi 550 ava mune vabereki 350.

“Tine varairidzi vatinobhadhara avo vanoitisa zvidzidzo izvi munzvimbo mbiri dziri dzinoti paMt Pleasant Hall nepaPrison Hall. Tine tarisiro yekuti vanenge vapasa tinogona kuvatsvagira mabasa. Vamwewo vanogona kuenderera mberi nedzidzo kusvika kuyunivhesiti,” vakadaro.

Vanoti kunze kwekuvafundisa chikoro, vari kuvaitisa zvakare zvidzidzo zvekutyaira pachena.

“Vabereki nevana vazhinji vemuMt Pleasant vave nemarezinesi ekutyaira saka idanho rakanaka muupenyu kuti munhu ave nehunyanzvi hwekuita zvimwe zvinhu zvinomupa raramo izvo zvinofambirana nechirongwa cheHurumende cheZim-Asset,” vakadaro.

Related Posts

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Makore matatu murume achirikitwa nemudzimai

Tendai Gukutikwa MURUME wekwaMutare anoti apedza makore matatu achirarama upenyu huzere kutya nokuda kwekushungurudzwa nemudzimai wake, uyo anomuzvambaradza nemugoti pamwe nekumuruma, izvo zvaita kuti muviri wake usare wave nemavanga. Izvi…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×