Ticha Danga
CHIKAMU chapfuura ndakabata madimikira asi handina kuzenge ndaisa mupendero wechikamu ichocho nekudaro ndinobata madimikira zvakare muchikamu chino.
Madimikira aripo pakutsiura nekuraira asi pachishandiswa mutauro wakavanzika.
Mutauro wakavanzika uyu unenge wakadzama zvekuti tikaushandisa muzvinyorwa zvedu tinovaka rondedzero dzine hudzamu.
Kana zvikanzi wachera nyoka nemuromo zvinotaura kuti wazvipinza munjodzi huru nekuda kwezviito zvako. Ndizvo zvakada kufanana nekurumwa nechekuchera kana kubereka katsiga kane moto.
Kudhonzera munhu guvhu mukati unenge wamuitira zvinomurwadza zvikuru. Unenge wamutadzira zvakanyanyisa.
Kune vanhu vanozivikanwa zvikuru nenyaya dzekupenga kana kupopota kana vachinge vakanganisirwa.
Vanhu ivava vanonzi vanodya magaka mambishi kana kuti vanodya marasha. Vanogona zvakare kudimikirwa vachinzi vanodya chiropa chembwa.
Vapopoti ava vanonzi vanodya mhiripiri kana kudya mutocha.
Kudzinganisa tsuro nemunyu muchanza kunyanyova netarisiro yekubudirira mune zvaunenge uchiri kushandira asi iko kushandira kwacho kusati kwapera. Kugara watoona zviri kuseri kwebudiriro muchirongwa icho chisati chapera.
Kudzipwa neganda nyama iripo idimikira rinoshandiswa apo munhu anenge achingozvinetsa nezvinhu zvidiki diki kana zvisina maturo asi zvikuru uye zvakakosha zviripo. Ndiko kupedzera miseve kumakunguwo idzo hanga dzichauya.
Kune vanhu vanoti kana nzira dzakanaka dzekutsvaga upfumi dzavakunda, vanoedza kuita dzimwe nzira dzisakafanira kuti ivo vagonota.
Kuita kwakadai kunonzi kuzama noto. Mumashoko mapfupi tinoti kushereketa kwekutsvaga upfumi.
Mukurarama tine mbimbindoga dzinopakira zvimiti munzeve kana vopihwa yambiro pamusoro pekuita kwavo kusakarurama. Kazhinji magumo evanhu ava vanofa vachitambura pamwe chete nekurwadziwa zvikuru, kazhinji nekuda kwezviito zvavo zvinenge zvichipokana neyambiro dzavaipihwa. Vanhu ivava ndivo vanoshandisirwa dimikira rekuti kufa wakanyenama.
Kana uchinzi rega kufananidza nguwo nedzaTarubva unenge uchinzi urege kungozviisawo pachinzvimbo chausingakodzeri nepamusana pekungodawo kutevedzera zvinoitwa nevamwe. Unenge uchiyambirwa kuti uite zvinoringana newe kwete kuda kutevedzera zvevamwe zvinozokukunda.
Kune vamwe vanhu vane mutyutyu zvekuti vanomhanyira kuenda mberi kwechiitiko chisati chasvika. Havana nguva yekumirira kuti chinhu chifambe nemuronga wacho. Ndiko kunonzi kugezera chiri pachoto.
Vanhu vakaroorana vanogona kusvika nguva yekunetsana, pamwe kutosvika pakurambana. Sevanhu vanenge vakawanana mukuwasha abvisa pfuma, anogona kuenda kumadzitezvara ake achinoreva pfuma yaakanga akarooresa.
Kudzorerwa kwepfuma uku kumukuwasha ndiko kunonzi kugura badza kana vaine muchato unogurwa zvonzi vakagura muchato.



