Vopura mari nehuku

IMWE mhuri yekwaShe Chundu kuHurungwe yopunduka nekuda kwebhindaduko rekuchengeta huku iyo pari zvino ine huku dzinodarika 4 000.
Mhuri iyi yekwaMazerenganwa inobva kuVillage 24B ndeya VaJaison Mazerenganwa (57) nemudzimai wavo, Sipelile Mazerenganwa (56).

Mai Mazerenganwa vanoti hupenyu hwavo hwapunduka zvikuru nekuda kwebasa rekupfuya huku iri.
“Izvozvi tine huku dzenyama dzasvika pamuzera wekutengeswa dzinokwana 500, dzemazai diki 3 000 nedzimwe dzenyama diki zvakare dzinodarika 1 000.

“Dambdziko riripo ndere kuti matanga edu ava madiki ayo tinoda kuwedzera,” vakadaro Mai Mazerenganwa.
Varimi ava vanoti vave nenguva refu vachiita bhindauko repfuya huku iri.

“Mazai edu nehuku idzi tinotengesa kuruzhinji muno muHurungwe,  Kariba uyewo nekuKaroi,” vakadaro Mai Mazerenganwa.

VaMazerenganwa vanoti hupenyu hwavo huri kuendeka nebasa rekupfuya huku iri.
“Kuburikidza nebasa iri, tine vakomana vaviri vatakapinza basa rekutibatsira avo vanomirira kupa huku idzi kudya, kudziurawo nekuundura uye pakunotengesa vanondibatsira zvakare,” vakadaro.  Vanoti vanogayawo chibage kuita makireshi ehuku izvo zvinovarerukira kuti vasarambe vachitenga kudya kwehuku nguva nenguva.

 

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×