Vopura mari nemakeke nekusona

Cde Nyasha Chikwinya (kurudyi) vachiyemura  makeke anogadzirwa nehunyanzvi nemadzimai eHome Industries, kuHarare Agricultural Show ichangodarika.
Cde Nyasha Chikwinya (kurudyi) vachiyemura makeke anogadzirwa nehunyanzvi nemadzimai eHome Industries, kuHarare Agricultural Show ichangodarika.

GURUKOTA rezvemadzimai, kuenzaniswa kwemikana nekusimudzirwa kwenharaunda, Cde Nyasha Chikwinya, vanokurudzira madzimai kuti vashande nesimba kuitira kuti vabudirire muupenyu hwavo izvo zvinova zvinoenderana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi hwenyika, cheZim-Asset.

Vakataura mashoko aya nguva yakadarika apo vaimema mamwe emabhindauko ari kuitwa nemadzimai eHome Industries akaita sekusona, kurima nekubika makeke kuHarare Agricultural Show ichangodarika.

“Tinoda kukugadzirirai mumwe muzinda (exhibition ground) uko kwamuchagara muchiratidzira zvigadzirwa zvenyu nekuti zvichakubatsira kuti mugone kuendesa vana kuchikoro. Tinodazve kuti muwane misika mikuru nekuti zvinhu zvamunogadzira zvinodadisa.

“Nguva zhinji tinotenga makeke muzvitoro nyambisirwa mudzimba umu munogadzirwa makeke akanakisisa kudai?” vakadaro vachiyemura makeke akagadzirwa nehunyanzvi.

Zvakadai, sangano reWomen’s Bureau riri kubatsira madzimai ekumaruwa neemumaguta mumabhindauko akaita sekusona, kuveza, kuruka mabhasikiti, kubika nezvimwe zvakawanda zvinosimudzira upenyu hwavo.

Chimwe chikwata chemadzimai aya chakave nemukana wekuratidzira hudobi-dobi hwezvinhu zvavanogadzira izvo zvakayemurwa neveruzhinji.

Mai Rutendo Nkhala (59) vekuZhombe, avo vanoshanda semurongi kuWomen’s Bureau, vanoti vanodzidzisa vanhukadzi mabasa emawoko.

“Women’s Bureau isangano rakazvimiririra uye rakavambwa muna1978 nechinangwa chekusimudzira madzimai munyaya dzezvirongwa zvine chekuita nebudiriro yemhuri, kuwaniswa kudya kunovaka muviri uye kwakakwana nekuchengetedzeka kwemhuri. Tinodzidzisa madzimai kuti vange vachigona kuverenga, kunyora uye kubata mabasa emawoko anovapa mari,” vakadaro Mai Nkhala.

Vanoti vakaona kuti kune mamwe madzimai ari kumaruwa asina kukwanisa kuenda kuchikoro nekuda kwezvikonzero zvakasiyana asi vaine zvipo zvemabasa emawoko.

“Kune mamwe madzimai asingagoni kunyora nekuverenga nekuti vakakundikana kuenda kuchikoro nekuda kwehondo kana hurombo asi vaine zvipo. Tinovafundisa kuveza, kugadzira mabhasikiti, kubika nezvimwe zvakawanda zvinoita kuti vawane mari yekuriritira mhuri,” vakadaro.

“Zvinhu zvose zvamuri kuona pano tisu tinogadzira kubvira pakuveza, kuruka mabhasikiti nekusona mbatya. Zvizhinji zvezvinhu izvi tinozvitengesa munyika muno nekuti zvinofarirwa uye zvishomawo ndizvo zvatinoendesa kunze kwenyika kwakaita sekuSouth Africa, Mozambique neZambia.

“Zvinotibatsira nekuti tiri kuwana mari zvekuti pamwedzi tinobura $900 iyo tinoshanda seboka rinenge riine vanhu vashanu kana gumi. Tinozogovana mari yatinenge tawana. Imari yakawanda zvikuru sesu madzimai ekumaruwa kusingashandiswi mari zvakanyanya sezvinoitwa kumaguta,” vakadaro.

Mai Martha Muranga (31) vekuGokwe, avo vanovewo zvakare murongi kuWomen’s Bureau, vanoti zvinongoda kuve nemoyo wekuzvipira uye kushanda nesimba.

“Madzimai atinoshanda nawo vamwe vacho vakafirwa nevarume, vamwe vanorarama neutachiona hweHIV saka vanoda kuti vange vachiwana zvinhu zvavanoita zvinovapa raramo. Vazhinji vane shungu sezvo tiri kuona shanduko zvekuti vamwe vakatovaka dzimba dzavo dzakanaka nekutenga zvipfuyo, kana motokari chaidzo,” vakadaro.

Pasi pechirongwa cheZim-Asset, Hurumende inokurudzira kusimudzirwa kwemabasa emawoko sezvo zvichibatsira veruzhinji kuti vawane raramo pamwe nekuvandudza upfumi hwenyika.

 

Related Posts

 Mabhurugwa evanhukadzi otsakatika akayanikwa pawaya . . . vamwe votevera kasingagumi

Kingstone Mapupu MAMWE madzimai ekuBudiriro 2, muHarare vogara vaine kutya kukuru zvichitevera kushaya kwavari kuita zvipfeko zvavo zvemukati apo vamwe vacho vanozoguma vava kurwara vachitevera kasingagumi.   Zvipfeko zvemukati zvemadzimai…

Sulu opemberera bhavhadhe mwoyo usina kugadzikana

Trust Khosa-Zimpapers SHASHA yemusambo weDendera, Suluman Chimbetu, anoti ari kupemberera kusvitsa makore 44 okuberekwa panguva iyo mwoyo wake wakaremerwa zvakanyanya. Mubatsiri wemabasa etsitsi, chipangamazo uye shasha yekusimudzira vamwe vaimbi, Sulu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×