Voruzhinji vogamuchira kuuya kwemari itsva yemaZiG

Muchaneta Chimuka

VORUZHINJI vari kupembedza zvikuru danho rakatorwa neHurumende, kuburikidza nebhanga guru renyika reReserve Bank of Zimbabwe (RBZ), rekuunza mari itsva yemaZiG, iyo ichabudiswa nomusi wa7 Kubvumbi 2026.

Mari itsva iyi ichange ichishanda pamwe chete neyagara iriko, apo yasakara ichabviswa mumusika nekufamba kwenguva.

Pari zvino, mari yemaZiG iri mumusika inoti ZiG10 neZiG20 uye kuchange kuchiuya ZiG50, ZiG100 neZiG200.

VaTanga Josphat, vanove mutungamiri wesangano reZimbabwe Young Farmers Trust, vanoti danho iri rakakosha zvikuru kuvarimi vanosanganisira vefodya.

“Varimi vefodya vanoda chenji pane zvose zvavanotenga, kusanganisira kuzvifambiso, saka danho iri tinoripembedza zvikuru. Zvichaita zvakare kuti varimi vange vaine kuronga kwakanaka pavanoshandisa mari yemusvo neyepurasitiki, vachiitora pamaATM pamadiro,” vanodaro.

VaNicholas Mudzingwa, vanove mutungamiri wesangano reUnited Africa, vanoti vanofara zvikuru nekuunzwa kuri kuitwa mari itsva iyi.

“Vanhu vanga vanzwa nekubatanidzwa mumakombi nenhau dzechenji, saka kuuya kwemari itsva kuchabatsira zvakanyanya. Mari iyi ine mifananidzo yemhuka shanu hombe, dzinoti nzou, shumba, mbada, chipembere nenyati, dzine nhoroondo huru. Izvi zvinobatsira zvakare panyaya dzekushambadzwa kwenyika yedu mubhizimusi rekushanya nokuti wose anobata mari yedu anobva aziva kuti Zimbabwe ine mhuka dzinoyevedza,” vanodaro.

VaAlbert Kamunda, veZimbabwe Integrated Commercial Farmers Union, vanoti zvakakosha kuti voruzhinji vagamuchire kuuya kwemari itsva iyi uye vaikoshese.

Mai Vimbai Mbeko, vekuEpworth, vanopembedza Hurumende nedanho iri, vachiti mari inofanirwa kuwanikwa mumusika uye ichitenderera zviri nyore.

Muzvare Tapuwanashe Allin Manyange, anove national chairperson weYouth and Women in Farming for Economic Development, anoti kuuya kwemari itsva kuchavabatsira sevechidiki mukusimudzirwa kwemabhizimusi avo sezvo vanenge vachiwana mari yemusvo zviri nyore.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *