Vorwira vatengi pamusika

Lizzy Mushoriwa —
NYAYA yekurwira makasitoma epamusika pakati pemadzimai maviri yakapedzisira yasvitswa kumatare emhosva. Tafadzwa Masomo akaudza dare reHarare Civil Court kuti Debra Musambidzi ari kumushungurudza pamusika pavanotengesera vose kuburikidza nekumutuka nekumutorera vatengi vake.

“Changamire, ndauya kuno ndichida kuti amai ava vamiswe kundituka pamusika pangu nekuti ivo vanotengesera pedyo neni saka vane tsika yekundituka zvinonyadzisira pasina zvandaita. Pakauya munhu achida kutenga pamusika pangu vanomudeedza pamusika pavo ini ndorega kutengerwa,” anodaro Masomo.

Anoenderera mberi achiti anoshaya chikonzero chekuti sei Musambidzi achiita zvakadaro. “Naamai ava takazivirana pamusika, handina kana hukama navo asi ndinoshamiswa nehunhu hwavanoita kwandiri. Dzimwe nguva vanotuka vanhu vanenge vachitenga pamusika pangu,” anodaro. Musambidzi anopikisana nemashoko aya achiti iye ndiye aitofanira kuuya kudare nenyaya yekushungurudza naMasomo.

“Amai ava handivatuke uye ndiri kutoshamisika vauya pano, ini ndini ndaitofanira kumhan’ara nekuti ivo ndivo vanotindishungurudza. Ehe, pamusika tinorwira vatengi nokuti mumwe anenge anyanya kutengerwa vamwe vasingatengerwi saka zvinobhowa vamwe tototanga kutukana.

“Handini ndega ndinozviita izvi, zvinoitika kunyangwe pese pane madzimai anotengesa ivo vanotombozviitawo izvi,” anodaro Musambidzi.

Mutongi Amanda Muridzo akapa Masomo gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×