Vovakisa kiriniki kwaSeke

VAGARI vekuWadhi 9 kumaruwa ekwaSeke, vari kubatana nekanzuru yeko, yeManyame Rural District Council, mukuvaka kiriniki.

Kanzura wewadhi iyi, VaClaudious Nyashanu (56), vanoti mushure mekuona kuti vanhu vanodarika 7 000 vemunzvimbo yavo vari kutambudzika nekushaya kwekurapwa pedyo, vakaronga kuvaka kiriniki iyo ichange ichinzi Dinolli Clinic.

Vakatopihwa nzvimbo yekuvakira kiriniki iyi nekanzuru.

“Nzvimbo yekuvakira tava nayo, zvidhinha vabereki vari kukanya, simende ini sakanzura ndiri kutsvaga uyewo imwe yavapo. Marata zvakare tiri kutsvaga, pakuvaka vabereki vachange vachiita mamwe mabasa apo kanzuru yedu ichatibatsirawo,” vanodaro Kanzura Nyashanu.

Vanoti shungu dzavo ndedzekusimudzira mabasa ebuduriro nedonzvo rekufambirana nechirongwa cheHurumende chekuvandudza upfumi, cheZim-Asset.

“Ndinoda kuti tiite mabasa epundutso kuvanhu sekuvakwa kwekiriniki iyo tichakumikidza mumasvondo mashoma ari kutevera apo tichaparura basa iri zviri pamutemo,” vanodaro Kanzura Nyashanu.

Pari zvino vagari vemunzvimbo iyi vanonorapwa kumakiriniki ari kure anosanganisira Nyembanzvere iri kwakare kwaSeke, kuBeatrice, kuChitungwiza kana kuHarare uko vanokwira mabhazi zvichivadhurira.

Varimi vakagariswa patsva munzvimbo iyi vanotarisirwa kubatsirikawo nekuvakwa kwekiriniki iyi.

“Izvozvi tine chibhorani chitsva chatakachera icho takavhura zviri pamutemo chakacherwa nekanzuru chinova chechipiri. Vanhu vemunharaunda yedu vainwa mvura yemumatsime isina utano,” vanodaro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *