VP Mohadi vorumbidza chipatara cheBaines

Malven Mugadzikwa

MUTEVEDZERI wemutungamiriri wenyika Vice President Kembo Mohadi vanoti zvipatara zvakazvimirira zvakakosha zvikuru munyika sezvo zvichibatsiridza kuti pave nekurapwa kweveruzhinji kwemhando yepamusoro.

VP Mohadi vakataura mashoko aya apo vaimema chipatara chakazvimirira cheBaines Intercare Medical Centre chiri muHarare.

Vakamema chipatara ichi pamwe chete negurukota rezvehutano nekurerwa kwevana Dr Obadiah Moyo, negurukota rehomwe yenyika, Professor Mthuli Ncube.

VP Mohadi vanoti Hurumende iri kukurudzira kubatana nemakambani akazvimirira mukuvandudza upfumi hwenyika kuburikidza nekuvaka, kuvamba mabhizimusi nekuvandudza zvipatara munyika.

Vanorumbidza Baines Intercare Medical Centre nekuvaka chipatara chemhando yepamusoro icho vanoti zvipatara zveHurumende zvinodzidza zvakawanda kubva kwachiri.

“Kunyaya dzeutano, vezvipatara zvakazvimirira vanobatsira zvakanyanya kupa veruzhinji rubatsiro rwemhando yepamusoro. Chishuviro chedu seHurumende kuti tive nemaTripple Ps (Private Public Partnerships) kunyaya dzezveutano sezvo mubatanidzwa wevakazvimirira nezvipatara zveruzhinji uchibatsira pakuti veruzhinji vanowana rubatsiro rwemhando yepamusoro uye vanenge vaine sarudzo yekwavanoda kurapirwa.

“Zvatiri kuona pano mucherechedzo wezvinowanikwa kunyika dzakabudirira uye zvinoratidza kuti vakazvimirira vanowana mikana yakasiyana yekuunza zvekushandisa pakurapa izvi nenzira dzakasiyana neHurumende asi zvese zvinobatsira kune veruzhinji vanenge vachida kurapwa,” vanodaro.

Dr Moyo vanotsinhira mashoko aya vachiti kubatana kweHurumende nezvipatara zvakazvimirira munyaya dzezveutano kunobatsira sezvo Hurumende isingagoni kumira yoga pakuvandudza zvipatara zvayo.

Vanoti Hurumende iri kuwana rutsigiro rwakasimba kubva kuzvipatara zvakazvimirira mukuvandudza kurapwa kwevanhu.

Prof Ncube vanoti bazi ravo riri kuongorora mari yebhajeti yegore rinouya ichapihwa kubazi rezveutano nekurerwa kwevana nechinangwa chekuti igowedzerwa.

Vanoti izvi zvinobatsira zvakanyanya mukusimudzira zvipatara zveveruzhinji munyika uye kuti mishonga nezvekushandisa zviwanikwe nyore.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×