‘Muvheti’ onanga mushandi huroyi…‘Your wife has zvishiri’

Daphne Machiri|
MUZVINABHIZIMISI wechichena wekwaMakope, kuMvurwi, kudunhu reMashonaland Central, achangobva kuripiswa mombe nedare ramambo weko mushure mekubatwa nemhosva yekupumha mushandi wake — uyo waakazodzinga basa — huroyi achiti ane zvishiri.

Mambo Makope, VaJacob Mapirinjanja, vanoti vakaripisa Shaun Jonathan Philip — uyo anova muridzi weChigamba Farm — mombe mushure mekunge ananga mushandi wake huroyi.

Mambo Makope vanoti Philip anonzi akanzwa nevamwe vashandi vake vachiti mumwe musevenzi wake anonzi Esterei Meki haaiwirirana nevamwe vachiti vanomutya nekuda kwekuti ane zvishiri izvo anoshandisa kurovesa vanhu vanenge vamugumburisa nenzira dzemishonga.

Zvinonzi kana munhu akarohwa nezvishiri izvi anobva afa kana kurwara nedenda risinganzwisisike

“Mushure mekuterera nyaya dzekusawirirana kwaMeki nevamwe vashandi vanoti vave kumuzeza, sekutaura kwaPhilip, anoti akadzinga Meki basa sezvo vamwe vashandi vange vachitoda kuti adzingwe nekuda kwehunhu hwake,” vanodaro Mambo Makope.

Vanoti Philip akauya kudare ravo munguva pfupi yadarika uko vakamutonga nemhosva yekupumha munhu huroyi.

“Akabvuma mhosva yake achiti akange afonerwa nemurume waEsteri Meki achida kunzwisisa uye achibvunza kuti akange amudzingirei basa zvekare kuti imhosva yei yakaita kuti Meki aburitswe basa. Philip akapindura achiti paakafonerwa anoti akati, ‘Your wife has zvishiri’. Kureva kuti akati mukadzi wako ane zvishiri,” vanodaro Mambo Makope.

Nyaya iyi yakatongwa musi wa20 Gumiguru apo Philip akabhadhariswa mombe.

MuZimbabwe, hazvitenderwe kunanga kana kupumha mumwe huroyi uye zvinosungisa.

Kana ukaita izvi, unofanirwa kunge uine humboo hwakasimbisisa, ukasava nahwo ndiwe unokonwa nemhosva.

Mambo Makope vanokurudzira veruzhinji kuti kana vachinge vakanganisirana, vataurirane mune zvakanaka.

“Pachivanhu chedu, hatizvitendere kupumhana huroyi. Ngatigarisanei zvakanaka uye pasava nemakakatanwa zvekusvika pakupana mashoko ekupumhana huroyi,” vanodaro Mambo Makope.

Related Posts

Musoja abata fata huruweki

Lovemore Kadzura MURUME ane makore 31 okuberekwa anoshanda muchiuto akatongerwa kugara mujeri kwemakore mana azere mushure mekubatwa nemhosva yekubira mumwe fata weRoman Catholic foni yake nechisimba apo aive akamubatira banga…

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×