‘Wakapihwa huroyi natezvara vako’

Lizzy Mushoriwa
MUMWE mukadzi akaendesa muvakidzani wake kudare redzimhosva achiti anomunanga kuti muroyi uye huroyi hwacho akahupihwa natezvara vake.

Shingirai Mutongi akamhan’arira Judith Majoni kuHarare Civil Court achiti anoda runyararo. Anoti ashaiswa mufaro naMajoni.

“Changamire, ndauyawo naamai ava muvakidzani wangu kuno kudare. Ndanzwa nekutukwa. Vanoti ndiri pfambi uye vanotuka murume wangu zvose nevana vachiti ini ndiri muroyi uye huroyi hwacho ndakahupihwa natezvara vangu. Ndinoda kuti andiudze kuti anozvizivirepi izvozvo,” anodaro Mutongi.

Majoni anoti haapikisane nechikumbiro chaMutongi.

“Handirambe chikumbiro chavo uye handina zvekutaura pamusoro pazvo,” anodaro Majoni. Mutongi Nyasha Marufu akapa Mutongi gwaro rerunyararo.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *