‘Wakatiza mwana murwere’

Cassius Mushore
VANHU vaive mudare vakakatyamadzwa apo mumwe mukadzi akati murume wake akamutorera gwaro rerunyararo rekuti asamuchaire nhare mushure mekunge amuudza panharembozha kuti aida mari yekutenga mushonga wemwana wavo anorwara.

Rosemary Mukoniwa akadhonzera Rogers Zendera kuHarare Civil Court achiti haadi kuriritira mwana wavo nekudaro aida $40 pamwedzi.

“Murume uyu akatiza musha mwana achangozvarwa paakaona kuti mwana aingorwara-rwara achibva aenda kunotsvaga mumwe mukadzi. Aimbotenga mishonga yekurapisa mwana asi iko zvino hapachisina kana, ndava kutoomerwa kuti ndiwane mari sezvo ini ndisingaendi kubasa.

“Ndikaedza kumufonera anodzima foni yake uye akatosvika pakunditorera ‘peace order’ yekuti ndisamufonere apa ini ndaida mari yemushonga. Dzimwe nguva aitodzima kuti ndisamufonere. Ndiri kuda $40 yekuriritira mwana,” akadaro Mukoniwa.

Zendera akaudza dare kuti akatora gwaro rerunyararo nechikonzero chekuti Mukoniwa aigara achimuchaira nhare achimutukidzira.

“Mukadzi uyu aindifonera achindituka pafoni. Dzimwe nguva aiuya kuzondipopotera pabasa ndikatodzingwa nekusakwana kwake. Izvo zvekuti haashandi anonyepa, ari kushanda asi anondivanzira,” akadaro Zendera.

“Chava kumunetsa manje ndechekuti ane vana vakewo saka vanababa vevana ava havasi kuvachengeta ava kuda kuti ini ndichengete mabonga.”

Mutongi Audrey Tarugarira akati nyaya yevaviri ava yaizodzoka mudare zvakare.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×