naMunyaradzi Keni
Nhamo yangu ini imbwa.
Vamwe pavanondiona vanonditi ndakanaka.
Vamwe pavanondiona vanonditi ndakaipa.
Nokuti ndakanga ndakati ndee zvangu rimwe zuva.
Ndichiona vamwe baba navamwe mai vachipopotedza.
Baba vakatanga kuti kuna amai, “pfutseki imbwa yemunhu”.
Amaiwo vakati “Newewo imbwa yemunhu”.
Ini imbwa ndokubva ndati aa Nhamo yangu imbwa.
Kutukwa pasina zvandaita.
Afunga kuti pamba pake panoda kuchengetedzwa.
Anoti madii kutsvaga imbwa.
Pakaita mafaro pamba zvinonzi bvisai imbwa anozoruma vanhu.
Vadya chikafu chavo zvasara zvinonzi ipai imbwa adye.
Pane zvakanaka ini imbwa handidiwe.
Nhamo yangu imbwa.
Afunga kuenda kunovhima musango.
Anotungamidza ini imbwa.
Mhuka ikamuka tiri musango ndini ndinoimhanyisa ndoibata.
Hombarume paanodzoka kumba anosvikotendwa.
Ini zvangu imbwa ndaita basa rose ndakatarisa.
Nhamo yangu imbwa.
Panovhiiwa Mhuka yatauya nayo ini ndinotandaniswa.
Vakanganwa kuti ndini ndabata Mhuka iyi.
Painobikwa, inodyiwa navanhu.
Ini changu mabhonzo kana vazofunga kundipawo.
Vamwe pavanorara vanopiwa zvekufuka.
Asi ini imbwa ndinorara ndakashama.
Ndosaka ndati Nhamo yangu imbwa.
Ndionereiwo shamwari dzangu zvandinoitwa navanhu.
- Munyaradzi Keni ari muGrade 7C paZengeza 8 Primary School, kuChitungwiza.
MAONERO:
Uku ndiko kunyora kwandinoda, nekuti kunoratidza kuti kunyora nhetembo hakufanire kuita sekuweka samhu. Nhetembo dzinofanirwa kunakidza, dzigotipa mamwe maonero nemamwe mafungiro akasiyana neatanga tiinawo.
Seni nhtetembo ino yandisetsa ikandisuwisa. Yanyorwa zvakanaka nekuti inoita sekuti iri kutaura nyaya, saka kana munhu akaiverenga haarasike kuti nyanduri anga achida kuti kudii.
Nyanduri ashandisa chidavado chekuti imbwa igone kutaura nhuna dzayo nezwi remunhu. Izvi zvinofanana nekuvhurirwa hana yemunhu kuti muone zvese zviri mukati.
Nyaya yaatanga nayo ndeyekudunura nhamo achiti, “Nhamo yangu ini imbwa.” Kazhinji nyanduri akatanga nhetembo saizvozvi, isu vaverengi tinobva tabvunza kuti, “Inhamo yeiko yaari kutaura?”
Zvinoreva kuti tinenge tadenhwa, tinenge tagadzirira kunzwa nhamo dzacho.
Izvi ndizvo zvabva zvagonekwa chaizvo nanyanduri wedu.
Anonyatsotsanangura zvaanoitirwa zvekuti hausare uine kupokana kuti imbwa zvechokwadi ane nhamo.
Ndafarira kunyora kunoshandisa mazwi anopesana, uye kuchidzokorora pfungwa, sepanzi:
Vamwe pavanondiona vanonditi ndakanaka.
Vamwe pavanondiona vanonditi ndakaipa.
Dambudziko chete nderekuti zvimiso zvanga zvichizomboiswa pasiripo.
Seipapa, panga pachida comma kwete chindaguma pamutsara wekutanga, nekuti pfungwa yako iri kuenderera mberi.
Asi hunyanzvi hwemunyori hwabuda mukugona kupinda mumaonero embwa inenge ichitarisa zvinhu asi isingataure paanoti:
Nokuti ndakanga ndakati ndee zvangu rimwe zuva.
Ndichiona vamwe baba navamwe mai vachipopotedza(na).
Kuti “ndee zvangu,” kunoratidza kutarisa kwechinhu chinofungirwa kuti hachina basa, uye hachifunge kana kurwadziwa. Asi ipapo, nyanduri anobva aita kuti tione kuti mukuti ndee kwake, pane zvaakanga achiona. Izvozvo ndizvo zvinoita kuti nhetembo yake ive inobata mwoyo zvikuru.
Nekune rimwe divi, nhetembo yaMunyaradzi iyi yakadzama pakuti haisi nhetembo inongoperera pakuti ari kutaura zvakaipa zvinoitirwa imbwa chete, kwete.
Iyi inhetembo inoshandisa imbwa kuti iburitse kudzvanyirirwa, kusvetwa simba nekushungurudzwa kunoitwa vamwe vanhu nevamwe vanhu. Saka nyanduri wedu agona kupawo vanhu vasina anotaura akavamiririra mukana wekuti vaburitsewo shungu dzavo kubudikidza nemufananidzo wembwa. Wagona chaizvo Munyaradzi, ramba uchinyora.




