‘Waparadza musha nemakuhwa iwe’

Nyasha Chabvonga
MURUME wekuendeswa kudare nemukadzi wake achinzi haazi kuchengeta mhuri yake nekuda kweshamwarikadzi anoti mudzimai uyu anoterera makuhwa izvo zvange zvave kuputsa imba yavo.

Nyaradzai Bvumbi akamhan’arira Thomas Masimire kuHarare Civil Court achiti haasi kumubatsira pakuriritira mwana wavo.

“Ndinoda $150 nokuti hausi kuburitsa mari, ndinozviziva kuti unayo. Mwana unoti anodyei? Ndakanzwa kuti une girlfriend iwe!

“Ini ndinotengesa kuti tiwane cheuviri asi iwe unoita dambe nemari saka unenge uchida kuti mwana wako ararame nei?” akadaro Bvumi.

Masimire akaudza dare kuti mari yaidiwa naBvumi haaikwanise uye kuterera kwaanoita makuhwa ndizvo zvave kupunza imba yavo.

“Changamire, nyaya yakatangira pakarwara amai vangu ndikatora mari yaive kubhanga $100 asi iye haana kufara nazvo. Anoda kuti ndimupe mari yose ini ndosara ndisina? Mari yaatara handiikwanisi, ndingatomuwanira $40.

“Chimwe chinhu chandinoona chiri kukonzera matambudziko ose aya ndechekuti mukadzi wangu anowanza kuterera makuhwa nerunyerekupe. Ndingaiwanepi mari yekupa pfambi?” akadaro Masimire.

Mutongi Trust Nyatsanza akati Masinire abvise $40 pamwedzi.

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *