Chitunha chekugara mupepabhegi, pasi pemubhedha chakazovigwa

VaPeter Chakawora (kurudyi) nemudzimai wavo, Mai Janet Chizunza (vechipiri kubva kurudyi) vachitaridza Ishe Nyambiya naIshe Mupedziswa pepabhegi yaiva nemapfupa emwana wavo iyo vaichengetera pasi pemubhedha mumba mavo.
VaPeter Chakawora (kurudyi) nemudzimai wavo, Mai Janet Chizunza (vechipiri kubva kurudyi) vachitaridza Ishe Nyambiya naIshe Mupedziswa pepabhegi yaiva nemapfupa emwana wavo iyo vaichengetera pasi pemubhedha mumba mavo.

MUTUMBI wemwana wemhuri inoshanda papurazi riri kuHeadlands, kuManicaland, uyo waigariswa pasi pemubhedha mushure mekunge vaufukunuriswa nemuridzi wepapurazi achiti pavakaviga mwana uyu hapakodzere sezvo ari mafuro emombe, wakazovigwa zvakare svondo rapera.

Nyaya iyi yaifanira kunge yakapinda mudare raMambo Makoni, VaSimbai Gogen Gwasira (51), neChishanu svondo rapera asi ndokuzoendeswa mberi ichinzi ichatongwa Chishanu chino sezvo muridzi wepurazi iri, Mai Simbarashe Sipiwe Chimonyo, vakange vari kunze kwenyika. Vabereki vemwana ane mutumbi wakafukunurwa muguva uyu ndiVaPeter Chakawora (30) nemudzimai wavo Mai Janet Chizunza (30). Mambo Makoni vanoti Mai Chimonyo vakatumira maneja wavo, Grant Hoffmayor, kudare ravo nemusi weChishanu wadarika sezvo ivo vakange vakaenda kuTanzania.

Vanoti vakazotuma madzishe avo maviri anoti Ishe Nyambiya, Mai Mary Nyambiya (63), naIshe Manyara, VaMupedziswa Manyara (74) kuti vaone kuti mapfupa emwana uyu avigwa zvakare izvo zvinova zvakaitwa.

“Dare harina kufambira mberi sezvo muridzi wepurazi uyo anopomerwa kuti ndiye akafukunura mutumbi wekasvava aka, Mai Chimonyo, akanga asipo apo ainzi akaenda kuTanzania. Maneja wake Grant Hoffmayor ndiye akauya akakumbira kuti dare ripfuudzire nyaya mberi takamirira muridzi wenyaya,” vanodaro Mambo Makoni.

“Zvakadaro, takazoti isu sedare tivige mwana apo Hoffmayor akazozvipira kutenga bhokisi rekuvigisa mwana nekudya kwevanhu vainge vakaungana nekutenga fuko nekuita zvimwe zvaidiwa panhamo iyi.”

Mutumbi wemwana uyu unonzi wakazovigwa pane rimwe purazi reCallman kana kuti Badley riri kwaRusape neMugovera wadarika zvichitevera chikumbiro chevabereki vake.

Related Posts

Makororo aba motokari kuKwekwe

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuKwekwe ari kufeya nyaya yemotokari yakabiwa mumugwagwa Kwekwe-Chiundura, pedyo nemugwagwa unoenda kuMlezu. Nyaya iyi inonzi yakaitika nomusi wa20 Gunyana nenguva dza4 manheru apo…

Akazviuraya adyiwa neKandege

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuGokwe, mudunhu reMidlands, akazivisa nezvemurume wechidiki anonzi akazviuraya nekunwa muchetura mushure mekudyiwa mari yebasa nenjuga yeKandege. Kuzivakwashe Gava (22) — uyo aibva kwaSabhuku…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×