Warren Park – Malbereign yakadadisa

Abel Ndooka
DUNHU reWarren Park-Malbereign ndiro rakahwina mumukwikwi eNational Association of Primary Heads, Harare Metropolitan Physical Education and Athletics Competition ekumhanya ayo akaitwa kunhandare yeNational Sports Stadium svondo rapera.

Chikoro cheWarren Park 5 Primary chakadadisa zvakare apo chakatora mukombe mumakwikwi ePhysical Education.

Makwishu ekumhanya aikwikwidzwa padanho remadistricts ayawo ePhysical Education chikoro chimwe nechimwe chaizvimirira.

Zvakadaro, mumujaho wekumhanya, Warren Park – Malbereign yakatora menduru 20 dzegoridhe, 10 sirivha uye ne7 bhuronzi ichiteverwa neGlen View-Mufakose iyo yakahwina menduru 13 dzegoridhe, 12 sirivha ne10 bhuronzi.

Mumutambo weP.E, chikoro cheWarren Park 5 chakateverwa neTafadzwa Primary School yekuChitungwiza iyo yakawana menduru yesirivha.

Sachigaro weNAPH Harare Metropolitan Province, Stanley Makwembere, anoti purovhinzi yavo yave  kugadzirira zvakasimba kuti iende kunorwira menduru dzegoridhe kumakwikwi enyika yose eNAPH National Physical Education and Athletics Competition ayo achaitirwa kuBindura kubva musi waKurume 25 kusvika 26.

Makwembere anoti gore rino vari kuda kurwira menduru dzegoridhe chete kuti zvigovabatsira kuvaka chikwata chichamirira Zimbabwe mumutambo weConfederation of Southern Africa Schools Sports Association (Cosassa) uyo uchaitirwa muHarare nguva inotevera.

Harare iri kutumira vatambi 65 kuBindura avo vanoti 49 shangwiti dzekumhanya pamwe ne16 vePhysical Education.

“Takatarisana nemutambo weCosassa uyo uchatambirwa muHarare gore rino saka isu tinoda kuti chikwata chedu chinge chakamirirwa uye vatambi vakawanda vabve muHarare,” akadaro Makwembere.

Related Posts

Varume vana vasungwa nemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMidlands akazivisa nezvekusungwa kwevarume vana nokuda kwemhosva dzekuponda dzavari kupomerwa. Inspector Emmanuel Mahoko, vanove mutauriri wemapurisa mudunhu reMidlands, vanoti varume ava vakasungwa mushure…

Makore 15 mujeri abata murwere wepfungwa (16) chibharo

Tendai Gukutikwa MURUME ane makore 54 okuberekwa wekwaMutare akapihwa chirango chekugara mujeri kwemakore 15 mushure mekubatwa nemhosva yekubata chibharo, kaviri kose, mwanasikana ane makore 16 ekuberekwa uyo anova murwere wepfungwa.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×