‘Wava kundiramba nekuti ndaremara’

Nyasha Chabvonga
MURUME wekunzi akaramba mukadzi wake mushure mekunge aremadzwa mutsaona yemotokari akashaya pekupinda mudare apo chikumbiro chake chekuti mari yemendenenzi yaari kubvisa idzikiswe chakaraswa. Kelvin Shora akaendesa Fungai Samuriwo kuHarare Civil Court achida kuti mari yemendenenzi idzikiswe.

“Mukadzi uyu handizivi kuti anoda kuti mari ndiiwanepi iye achiziva kuti handishandi. Pandaitora mari ndipo paakauya kuzogara maroja akaenda. Imwe imba akaivharisa, yave nemwedzi mina isingagari muroja. Dai dare randibatsira kuti mari idzikiswe kubva pa$90 kusvika pa$40 yemendenenzi yemwana mumwe chete,” akadaro Shora.

Akati zvinhu zvakamuomera sezvo aine mumwe mukadzi nevana vatatu.
Samuriwo akapikisana naShora achiti haachada kumuchengeta kubva paakaita tsaona ndokuremara mitezo.

“Ari kunyepera dare zvekuti ndiri kumushaisa mari nekuti pandakabva pamba ndaiva ndaona kuti iye haasi kundiriritira. Ndaida kuona dzimwe nzira dzekuwana nadzo mari sezvo ndakanga ndichida mushonga nemapiritsi ekuzvirapisa pandakaita tsaona.

“Kudzoka kwandakaita pamba pake idare rakati ndidzoke uye haana kundiramba zviri pamutemo. Ari kunyepa kuti haashandi nekuti ane kombi yake inotakura kubva Harare kuenda kuBulawayo, ndiko kwaanowana mari,” akadaro Samuriwo.

“Ndiri kutoshaya kuti ndozvibatanidza sei kuzvirapisa nekuchengeta mwana ivo baba vacho varipo. Anofanira kuwedzera mari kwete zvaari kutaura izvi.

“Mari yaari kutaura haikwani nekuti mwana anoda kuenda kuchikoro uye musikana webasa anoda mari sezvo ini ndisina kusimba. Akaramba kundibhadharira kurapwa pandakakuvara. Apa chikafu, mvura nemagetsi zvinoda ini pamwe chete nemapiritsi angu.”

Mutongi Audrey Tarugarira akarasa chikumbiro chaShora achiti painge pasina umboo hunogutsa kuti mari yaari kubvisa idzikiswe.

Related Posts

Zemura oshaya hope nekusabudirira kuAFCON

Tadious Manyepo MUTAMBI wekumashure wechikwata chemaWarriors, Jordan Zemura, anoti haanzwisisi kuti sei Zimbabwe isati yambotamba zvekudarika magroup stage kuAfrica Cup of Nations (AFCON). Chikwata chenyika ichi chatamba katanhatu, ndokukundikana kuenderera…

Murume (32) aponda mudzimai nehuni nekuda kweshanje

Kingstone Mapupu MURUME wekupurazi reSandwich kwaMambo Bunina, kuLower Gweru anonzi akaponda mudzimai wake nekumurova nechitsiga chehuni mushure mekunetsana achimupomera kuita gumbo mumba gumbo panze. Izvi zvinonzi zvakaitika nemusi wa26 Chivabvu…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×