Wivhi dzine makonye: Dr Guramatunhu

Abel Ndooka

VANHUKADZI vanoda zvemucheno vari kukurudzirwa kuti vasarukwe wivhi (weave) mumisoro yavo sezvo zvichinzi rimwe revhudzi rewivhi rinenge ragerwa kubva mumisoro yevanhu vakafa kunyika dzekunze. Kurudziro iyi yakapihwa nenyanzvi munyaya dzeutano, Dr Solomon Guramatunhu, nguva pfupi yadarika apo vaive muyenzi anoremekedzwa paiparurwa chirongwa chetsvarakadenga chinodaidzwa kuti Zuri Africa, muguta reHarare.

 

Dr Guramatunhu vanoti nguva zhinji pavanofamba, vanoona vamwe vanhukadzi vanenge vachirova-rova kana kukwenya misoro yavo apo vanenge vakapfeka mawivhi.

“Ndikafamba mudhorobha, ndinoona madzimai vachirova-rova misoro yavo zvinotorakidza kuti munhu uyu ari kutambudzika zvikuru. Ndobva ndaziva kuti iwivhi iri kumushungurudza.

“Mawivhi aya ivhudzi rinenge ragerwa kuvanhu vakafa kunyika dziri mhiri kwemakungwa uye pamunenge mave kuvaviwa mumusoro paye, makonye anenge achikudyai uye zvinozokukanganisai mune ramangwana,” vanodaro Dr Guramatunhu.

Vanoti vanhukadzi vechitema vakakomborerwa kuve nevhudzi rakanaka iro rinokwanisika kugadzirwa nenzira dzakawanda.

“Vanhukadzi vechitema vanokwanisa kugadzirwa vhudzi ravo nenzira dzinokwana shanu vachisara vakanaka izvo zvisingakwanisike kuitwa nemamwe marudzi.

 

“Munhukadzi wechitema anokwanisa kugerwa zuda obuda zvakanaka, anogona kuti vhudzi rake rorukwa mabhanzi achibuda zvakanaka, kurukwa rasta kana kuchengeta Afro. Kana kuti anongochengeta vhudzi shoma iya inonzi short hair kana kungoitwa pemu vhudzi rake royerera achibuda zvakanaka.

 

“Zvose izvi madzimai emamwe marudzi havakwanise kuzviita nevhudzi ravo asi munhukadzi wechitema anozviita achisara akanakisisa. Saka munogona kusiyana nemawivhi nekuti zvimwe kuzvitsvagira zvirwere,” vanodaro Dr Guramatunhu.

Related Posts

Ambuya (73) vapondwa vachinzi muroyi

Danisa Masuku MURUME ane makore 41 okuberekwa wekuButabubili kuTsholotsho, kudunhu reMatabeleland North akamiswa mudare nemhosva yekuponda ambuya vane makore 73 okuberekwa avachivapomera huroyi. Moses Ndlovu akamiswa mudare reTsholotsho Magistrates’ Court…

Mwanakomana oda kuuraya amai, hanzvadzi

Tendai Gukutikwa MURUME wekuWatsomba, kwaMutasa — uyo anonzi ave nemakore akawanda achishungurudza amai vake pamwechete nehanzvadzi yake achivapomera huroyi nekuvimbisa kuvauraya — nyaya yake yakaendeswa kumapurisa naMambo Mutasa mushure mekuona…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×