Wotoshinga kuti ubudirire: Dhemba

Yvonne Chidochashe Manyanja
MUIMBI ari kusimukira mumusambo weAfro-jazz, Abigail Bangariro Dhemba, anoti vaimbi vachiri kutanga vanofanira kushingirira kuti vabudirire zvisinei nematambudziko avanosangana nawo akaita sekushaya mari yekutsikisa mimhanzi yavo.

Dhemba, uyo anoimba nechikwata cheFaith in One, nguva yadarika akaparura nziyo yake itsva inonzi “Usarangarira zvinhu zvakare”.

“Ini ndakatanga kuimba ndichiri mudiki sezvo dziri shungu dzakanga dziri mandiri. Handina kutarisa kuti mari yekuzobuditsa nziyo dzangu ichabvepi uye ndakakwanisa kufadza vaimbi vakaita saTakesure Zama anozivikanwa nerwiyo rwekuti ‘Kuregerera in advance’. Saka ndinopa kurudziro kune vose vanoda kuita basa iri kuti vashingirire nekuti haisi nyaya yemari asi kuti zvaunoda zvinongoitika kana uine hushingi,” akadaro Dhemba

Anoti anotenda murume wake – Newton Dhemba – uyo ari kumutsigira mubasa rake rekuimba.

“Murume wangu ndiye ari kuona zvese zviri kudiwa panziyo dzangu saka paakafarira kambo katsva aka akanditi ndiende kunotsikisa serekodhi ndikaenda kuVialy Studios inotsikisa nziyo dzaJah Prayzah pamwe chete naSulumani Chimbetu,” akadaro.

Muimbi uyu anoti ari kutarisira kubuditsa dambarefu rake rekutanga muna Chivabvu gore rino.

“Ndiri kutarisirawo kuimba naOliver Mtukudzi pamwe chete naRute Mbangwa, Ndakapiwa shungu naNamatayi Chipanga,” akadaro.

Dhemba mwanasikana wemuimbi ane mukurumbira – Clive Bangariro – uyo akaimba kambo kanonzi ‘Kuguma Kwaswedera’ nechikwata cheAmazing Grace.

  • Vanoda kutaura nemuimbi uyu vanokwanisa kumubata paWhatsApp panhamba dzinoti 0772 366 569.

Related Posts

Hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa dzotsvagwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMasvingo vari kutsvaga hama dzemurume akatsikwa nemotokari akafa uyo ane mutumbi wakachengetwa kumochari yeko. Mutumbi uyu ndewe murume akatsikwa nemotokari mumugwagwa weHarare-Masvingo pachinhambwe…

Nhengo dzemuviri wemunhu dzawanikwa mudumbu regarwe mushure memazuva 22

Rutendo Nyeve NHENGO dzemuviri wemurume akaurayiwa negarwe padhamu reMpopoma, kuMatobo nemusi wa1 Chivabvu dzakazoonekwa dziri mudumbu rengwena iyi mushure mekunge yavhiiwa kwapera mavhiki anodarika matatu. Izvi zvakaziviswa neveZimbabwe Parks and…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×
×