ZC yovamba ligi idzva

 

 

Darlington Majonga
Darlington Majonga

SANGANO reZimbabwe Cricket rinoti rine hurongwa hwekuvamba ligi idzva iro richange richinzi Zimbabwe Premier Cricket League nechinangwa chekusimudzira mutambo uyu. Mukushi wemashoko weZC, Darlington Majonga, anoti ligi iri richange richiona zvikwata zvichitamba mutambo uyu svondo rega-rega senzira yekuuvandudza.Zvichitevera kudzikira kwange kuri kuita matambiro echikwata chemaChevrons icho chakaumburudzwa necheIndia mwedzi wadarika mumitambo yeOne Day International neTwenty20 series, Majonga anoti ZC ichashanda zvakasimba kuti itsvage nzira dzakasiyana dzekusimudzira mutambo uyu.

“Hatingambode kunyeperana, kutamba kwakaita vakomana hakuna kumbofadza, zvakavashurudzawo zvakare asi tiri kuzvigadzirisa.

“Tinenge takati dzokerei shure nekukundwa kwatakaita neIndia asi tiri kugadzirisa kuti tienderere mberi mumutambo uyu.

“Munguva iri kutevera,  tichange tave neZimbabwe Cricket Premier League iyo tinofunga kuti ichatibatsira mukusimudzira mutambo uyu. Tine mimwe mitambo yakaita seLogan Cup uye kumapurovhinzi ose cricket iri kutambwa, izvo zvinorakidza kuti tiri kuedza nepatinogona kuti tisimudzire mutambo tiundese paunokodzera,” anodaro Majonga.

Kukundwa kwange kuchiita Zimbabwe mumitambo yadarika kwakaona chikwata ichi chichidzikira mumatambiro acho uye izvi zvinogona kuchitadzisa  kuenda kumutambo weWorld Cup 2019 uyo uchatambirwa kuEngland neWales.

Zvikwata zvichabudirira kuenda kumutambo uyu ndeizvo zvinenge zviri muboka rinonzi Top 8.

Majonga anoti bhodhi idzva reZC rakaita chitsidzo chekuti Zimbabwe inofanirwa kuenda kunokwikwidza kumutambo uyu saka vari kushanda zvakasimba kugadzirisa zvose zvinodiwa kuti maChevrons aende kuEngland neWales 2019.

“Chinhu chatakazvipira kuti tiende kuWorld Cup nyore, tinofanirwa kupinda muTop 8. Kuti zviitike, tinofanirwa kuhwina mitambo yedu inotevera apo tichasangana nezvikwata zvakasiyana.

“Kuhwina kwedu tinenge tichiwana zvibodzwa zvinoita kuti tipinde muTop 8 saka tiri kutofanirwa kukwidziridza masokisi edu.

“Hatidi kuti tisvike pakutamba mimwe mitambo yekurwira kuenda kumutambo uyu,” anodaro Majonga.

 

Related Posts

Tsoko dzakabuda murupasa rwenhaka

Kingstone Mapupu MUNYAYA inoita sebhaisikopu, mumwe mudzimai wekwaMungate, kwaMambo Chinhamora, kuDomboshava, anoti murupasa rwaifanira kupihwa murume wake sechikamu chenhaka yababa vake makabuda tsoko, izvo zvakaita kuti rimwe ziso rake riputike.…

Varimi vacharatidzira zvirimwa nezvipfuyo kushoo vowanda

Muchaneta Chimuka UWANDU hwevarimi vachange vachiratidzira zvirimwa nezvipfuyo zvavo kushoo yegore rino muHarare hwawedzera kakapetwa kaviri kupinda hwegore rapera, unova mucherechedza wokuti Zimbabwe iri kubudirira munyaya dzekurima. Mashoko aya abuda…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×