Anoda kupinda namai mumachira

Gabriel Singano

VANHU vaive mudare reHarare Civil Court vakakatyamadzwa apo mumwe mukadzi akati mwanakomana wake anomukumbira kushinha naye pabonde pose paanenge akadhakwa.Mary Ndarade akaudza dare iri kuti aoneswa ndondo naJackson Jackson (32) uyo anomutuka zvinyadzi zvakare.

Jackson Jackson
Jackson Jackson

“Changamire, ndamira pamberi pedare rino ndichikumbirawo kudzivirirwa kubva kumwana wangu anondishungurudza nekundituka zvinyadzi. Anotiwo kana akadhakwa anondipindira mumba mandinorara achikumbira bonde,” vakadaro amai ava.

Vakaenderera mberi vachiti kubva pakashaya murume wavo, Jackson akatanga tsika yekuputa mbanje pamwe nekuuya nepfambi pamba.

“Mwana wangu uyu akatanga tsika iyi kubva pakashaya murume wangu. Anouya akadhakwa nembanje uye dzimwe dzenguva anotouya nepfambi vachishinha. Izvi zvinondishungurudza,” vakadaro. Jackson akaudza dare kuti amai vake vave kutsvaga nzira yekumudzinga nayo pamba nekuda kwekuti vave kuita zvevarume.

Mary Ndarade
Mary Ndarade

“Ini handipokane nechikumbiro chaitwa naamai vangu. Nhema dzose dzavanondishambadza ndedzekutsvaga kuti ini vandidzinge pamba nokuda kwekuti vave kuda kutambanuka pamba pababa vangu nevarume vavo vanosanganisira vanun’una vababa vangu,” akadaro Jackson.

Mutongi Gamuchirai Siwardi akapa Ndarade gwaro redziviriro.

Related Posts

Chikepe chitsva chekutakura vanhu, nhumbi chaparurwa paLake Kariba

Walter Nyamukondiwa MWEDZI unopfuura mumwe chete kubva apo paitika tsaona yechikepe cheMV Rida Mbuya Nehanda iyo yakakonzera kufa kwevanhu makumi mapfumbamwe nevanomwe, chikepe chitsva chotanga kushanda muLake Kariba. Chikepe ichi…

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *