GURUKOTA reHurumende rinomirira dunhu reHarare, Cde Mirriam Chikukwa, vanorumbidza mauto eZimbabwe Defence Forces nebasa guru raari kuita mukusimudzira dzidzo munyika kuburikidza nekuvandudza zvivakwa muzvikoro.
Vakapa rumbidzo iyi svondo rapera paFundo Primary School, kuDzivarasekwa, apo vaivhura zviri pamutemo chimbuzi chevana veECD icho chakavakwa nechikamu chemauto ePresidential Guard.
“Ndinoda kutenda chirongwa cheDefence Forces Community Assistance Week icho chinobatsira mukuvandudza nharaunda dzakatipoteredza mauto vachishanda pamwe chete nevanhu vanogara munharaunda idzi. Gore rino Fundo Primary ndiyo yakawana mukana wekuwana rubatsiro urwu kuburikidza nekuvakwa kwechimbuzi chevana veECD,” vanodaro Cde Chikukwa.
Vanotendawo vabereki nevemunharaunda nekubatana nechikoro ichi mukuunganidza zvekuvakisa chimbuzi ichi.
“Mauto akabatsira nenyanzvi dzekuvaka dzinosanganisira vavaki, vanoita zvekuveza, vanoita zvemagetsi, nevanoona zvekugadzirwa kwemapombi emvura. Vose ava vakabatsira kuti chimbuzi ichi chive chemhando yepamusoro. Ndinodawo kutenda vabereki pamwe chete nematicha nekubatsira kwavakaita mukupa nekutsvaga zvekuvakisa.
“Ndinofara chaizvo nekuti mauto eZimbabwe Defence Forces akapa nguva yawo pakuvaka chimbuzi ichi nemazvo uye nehunyanzvi. Zvakakoshawo kuvana veECD avo vanenge vachangobva kumba vachitanga kuita zvidzidzo zvavo kuti vange vachishandisa chimbuzi chemhando yepamusoro. Izvi zvinochengetedza utano hwavo sezvo chimbuzi ichi chiine zvose zvinodiwa,” vanodaro Cde Chikukwa.
Vachitaurawo pachiitiko ichi, Commander Presidential Guard Brigade, Brigadier-General Anslem Nhamo Sanyatwe, vanoti varipo pakubatsira nharaunda dzakavapoteredza munyaya dzebudiriro.
“Semauto, panguva yakunenge kuine runyararo munyika, hatigariri mawoko asi kuti tinobatsira nharaunda dzakatipoteredza kuburukidza nemabhindauko akasiyana- siyana. SeZimbabwe Defence Forces, muvhiki rekutanga remwedzi waNyamavhuvhu gore rega-rega tatarisana nemhemberero dzeZimbabwe Defence Forces Day, tinopa rubatsiro kunharaunda dzakatipoteredza.
“Kuvhurwa kwechimbuzi ichi ndiwo mufanananidzo werubatsiro rwatiri kupa nekuti chakavakwa nemauto anova nyanzvi mukuvaka mushure mekunge chikoro ichi chataura nevakuru vedu gore rapera kuti chaida rubatsiro urwu. Tine zvimwe zvikoro zvakati wandei zvatiri kubatsira mukuvandudza kana kuvaka zvitsva,” vanodaro.



