Nyakupisira munhu makuhwa ovhimwa

MUKADZI uye wekuChitungwiza wekunzi akapisa muvakidzani wake zvakaipisisa nebota raikwata achimupomera kuita makuhwa ave kuvhimwa nemapurisa mushure mekurega kwaakaita kuenda kudare zuva rainge rakatarwa.

Netsai Neta (27) wepanhamba 3465 Unit D akatarisana nemhosva yekupisa Alice Munyoro (32) anogara panhamba 3272 kuUnit D kwakare nekuda kwenyaya dzemakuhwa.

Pakapinda nyaya iyi mudare kekutanga mwedzi wadarika, mutongi weChitungwiza Magistrates Courts, Takunda Mutetwa, akati Neta adzoke kudare nemusi wa3 Nyamavhuvhu kuti azopihwa mutongo mushure mekunge abvuma mhosva yake.

Neta, uyo akange apihwa bhero, haana kuenda kudare musi uyu zvikaita kuti mutongi Mutetwa ape gwaro rekuti asungwe (warrant of arrest).

Muchuchisi Norman Koropi akaudza dare kuti nemusi wa23 Chikunguru munguva dzemasikati, Neta akashanyira mumhan’ari pamba pake nechinangwa chekuti amubvunze nezvemakuhwa.

Munyoro anonzi akamuti haana ruzivo nezvemakuhwa aya. Pakarepo, Neta anonzi akabva atora poto yakange iine bota raikwata pachitofu achibva amudira zvikaita kuti akuvare zvakanyanya pabendekete, pahuro neparuwoko.

Pakapinda nyaya iyi mudare mwedzi wadarika, Neta akati akange agara mumawoko emapurisa kwemazuva matatu nyaya yake isati yatongwa izvo zvakaita kuti mutongi amupe bhero.

Related Posts

Kambo ‘Todya Mudododo’ kaenda nenyika

Daimon Phiri “Todya Mudododo” – rwiyo runozivikanwa zvikuru uye rwuri kupisa zvakanyanya mazuva ano. Rwiyo urwu rwuri padambarefu remusambo weSungura iro nziyo sere, rakabudiswa nemuimbi ane ruzivo rwakadzama muna 2026…

Mwana wekurwara negomarara remumusoro ashaika

Kingstone Mapupu MWANA wemakore maviri ekuberekwa wekuDema Phase 3, kwaSeke aiva nechirwere chegomarara remumusoro, uyo ane nyaya yakabuda muKwayedza nguva pfupi yadarika apo vabereki vake vaitsvaga rubatsiro rwekuti arapwe, ashaika.…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *