Zengeza 8 yakadadisa

ASHLEY Chikonyora achitaridza menduru dzaakahwinha mumitambo yakasiyana inosanganisira discus, volleyball nekumhanya.
ASHLEY Chikonyora achitaridza menduru dzaakahwinha mumitambo yakasiyana inosanganisira discus, volleyball nekumhanya.

MUMWE mwana wechikoro anodzidza paZengeza 8 Primary School, kuChitungwiza, uyo akanomirira Zimbabwe mumutambo wediscus kumakwikwi eConfederation of School Sports Association of Southern Africa kuBotswana nguva yadarika anoti zvakakosha kuti zvikoro zvikoshese zvidzidzo zvemitambo.

Muhurukuro naAshley Chakonyora (13), uyo ari kuita Grade 7, anoti zvikoro zvinofanira kusimudzira mitambo yakaita sekumhaya, discus nemimwewo yakasaiyana.

“Ndinoita mitambo yakasiyana-siyana yakaita sevolleyball, kumhanya 800m pamwe nekukanda discus.

“Ndakatora menduru mumitambo iyi kubva  pachikoro kuenda kudistrict nekumaprovincial ,” akadaro Chakonyora.

“Takazonokemba kuBulawayo  kuNothlea High uko takaenda takamirira Zimbabwe mumitambo yakasiyana-siyana tichidzidzira nekugadzirisa kunokwikwidza  kumitambo yeCOSSASA iyo yakaitirwa kuBotswana.

“Ndakakwikwidza mumutambo wediscus uyu nemutambi wekuBotswana ndikazoenda pechipiri ndikapiwa menduru yesirivha ndakamiririra  Zimbabwe kuCOSSASA ,” akadaro Chakonyora.

Mumutambo wediscus uyu, mutambi anokanda discus akamira mudenderedzwa uye kuenda kure kwarinoita ndiko kuhwinhawo kwake sezvo panozotarwa nhanho dzeparinenge rakandirwa neparadonhera.

Zvakadaro, sports director wepaZengeza 8 Primary, Innocent Chifamba, akati anonzwa kufara nekusimudzirwa kwechikoro chavo naAshley.

“Mitambo tinoikurudzira kuvana vechikoro nekuti kune vamwe vane zvipo munyaya dzemitambo naizvozvo ngatiikoshese muzvikoro,” akadaro Chifamba.

 

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×