KWAYEDZA

ZFU yopa varimi mazano ekurwisa el nino

Kingstone Mapupu

SANGANO rinomirira varimi munyika muno reZimbabwe Farmers union (ZFU) rakayambira varimi kuti vachengetedze mvura nehunyoro hwavanenge vawana kuitira kurwisana nemamiriro okunze emwaka wezhizha uiri kutevera wa2026/2027.

Mashoko aya akataurwa naVaPaul Zakariya, vanove executive director weZFU, nokuda kwemamiriro okunze sezvo nyanzvi dzezvemamiriro okunze dzichiti mwaka wezhizha uri kutevera uchange uine mvura shoma nekupisa kwakakura.

“Inyaya yave pachena kuti nyanzvi dzinoona nezvemamiriro okunze dziri kutaura kuti mwaka wa2026/2027 uchange uine mvura shoma uye wakabatana nekupisa kukuru nokuda kweEl Niño, saka tinokurudzira kuti vaye vane madhamu ane mvura vachengetedze mvura iyi zvakanaka, vorega kuitambisa,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti pose pane mvura yakachengetedzeka ngapaiswe matanho ekuchengetedza kunyange donhwe zvaro remvura.

“Ruzivo tave narwo rwokuti mwaka uri kutevera hauna mvura inokwanirana kubvira kwatiri isu vanhu, zvipfuyo zvedu nezvirimwa.

“Mamwe mabasa ose atinoita pamusha sevarimi achakanganisika, saka ngatichengetedzei mvura shoma yatinayo nehunyoro,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti kune vane madhamu, matsime nezvibhorani vashandise mvura irimo zvine ungwaru.

“Mvura yedu, ingava yemumadhamu kana mumatsime, kunyange yemuzvibhorani, tinoishandisa mumabasa ekurima nemamwe akasiyana-siyana. Nokuda kweyambiro iyi yokuti mvura ichange iri shoma, tinoti ngatimbosiyai kuita mamwe mabasa atinoona kuti haana kukosha munyaya dzemvura,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti mumapindu kana murimi aimborima hekita imwe chete kana kuti eka, ngaambodzora zvishoma kuti zvirimwa zvedu zvikwanirane nemvura yatinayo kusvikira mwedzi mitatu kana mina iri kutevera yadarika.

“Kunze kwezvirimwa zvedu, tine mombe, mbudzi nezvimwe zvipfuyo zvinoda mvura. Panguva yakadai yeEl Niño, zvipfuyo zvedu zvinogona kufa nekushaya mvura nezvokudya, kushaya kudya kwakaita seuswa nezvimwe.

“Nokudaro, tinofanirwa kuti panguva ino togadzira kudya kwezvipfuyo zvedu neuswa huripo nekugayawo makireshi tichiisa zvinodiwa,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti kubva mumwedzi waGumiguru kusvika muna Zvita gore rino ra2026, mwaka haunayi mvura inokwanirana, zvichizobvawo muna Ndira mugore ra2027 zvichienda mberi, mvura ichange iri shoma zvikuru.

“Kureva kuti mwaka wedu wezhizha hauna mvura yekunaya inokwanirana kubva pakutanga kusvika pakupera kwawo, saka tinokurudzira varimi kuchengetedza mvura shoma yavanayo, toisa makomba ePfumvudza anochengetedza mvura nekuisawo murakwani muminda neuswa senzira yekuchengetedza hunyoro,” vanodaro VaZakariya.

Vanoti mvura shoma ichanaya varimi vanokurudzirwa kuichengetedza zvikuru, mungava mumadhamu avo, mumigodhi, muzvibhorani kana mumatangi epamusha nedzimwewo nzvimbo.

“Mwaka wedu zvichibva kunyanzvi dzezvemamiriro okunze uchange usina mvura inokwanirana asi hazvirevi kuti torege kurima.

“Ngatitevedzei mazano atinopihwa nevarimisi vedu,” vanodaro VaZakariya.