Nqobile Bhebhe
BHANGA guru reZimbabwe Reserve Bank of Zimbabwe rinoti rakaisa mari inosvika ZiG600 miriyoni muhupfumi hwenyika panguva yechikamu chekutanga chegore ra2026, nechinangwa chekusimbisa kushandiswa kwemari uye kugadzirisa matambudziko ane chekuita nemari, kusanganisira kushomeka kwechenji, kunyanya muchikamu chezvifambiso zvinotakura veruzhinji.
RBZ inoti kuwanikwa kwemari yesimbi yeZiG mumabhanga kuchabatsira kuderedza kushomeka kwechenji, zvikuru kuchikamu chezvifambiso.
Mumashoko avo eMid-Term Monetary Policy Review Statement
akaburitswa neChina, Gavhuna weRBZ, Dr John Mushayavanhu, vanoti bhanga guru rakabudirira kuti pave nekutanga kushandiswa kwemari yepepa yeZiG yakagadzirudzwa (BiG5ZiG) musi wa7 Kubvumbi.
“Tichishandisa kugadzikana kwemitengo, mari uye mwero wekuchinjana kwemari, bhanga guru rakabudirira kutanga kushandisa mari yepepa yeZiG yakagadzirudzwa (BiG5ZiG) ine chimiro chitsva uye yemhando yepamusoro, pamwe nekusimba kukuru, musi wa7 Kubvumbi 2026.
“Tichitarisa kugamuchirwa zvakanaka kwemari yepepa yeZiG, mari inosvika ZiG600 miriyoni yakaiswa mupfumi hwenyika kuti itenderere panguva yechikamu chekutanga chegore ra2026,” vanodaro.
Mari yepepa yeZiG10, ZiG20 neZiG50 yakagadzirudzwa, pamwe chete nemari yesimbi yeZiG, zvakaunzwa kuitira kuti zvive nyore kuita zvekutengeserana nekutsigira kushandiswa kwemari yenyika nevanhu vakawanda.
Dr Mushayavanhu vanoti kuwedzera kwekushandiswa kweZiG kwakaonekwawo pakuitwa kwezvekutengeserana pachishandiswa dandemudande (electronic transactions), apo huwandu hwezvekutengeserana pachishandisa ZiG, kuburikidza nehurongwa hwenyika hwekubhadharana (National Payment System), huri kuramba huchikwira.
“Kuwedzera kwekushandiswa kweZiG muhupfumi kunoonekwawo nekuwedzera kwehuwandu hwezvekutengeserana pachishandiswa ZiG paNational Payment System. Kukosha kwezvekutengeserana kweZiG kwakaitwa kuburikidza nehurongwa hweRTGS, kwakawedzera zvishoma nezvishoma panguva yechikamu chekutanga chegore ra2026 kusvika pamusoro pe40% mumwedzi waChivabvu naChikumi 2026,” vanodaro.
Dr Mushayavanhu vanokurudzira veruzhinji kuti vashandise zvakanyanya mari dzeZiG, dziripo mumabhanga, kunyanya kugadzirisa matambudziko ane chekuita nekuchinjana mari muchikamu chezvifambiso.
“Veruzhinji vanoshandisa mabhanga vanorayirwawo kuti mari yeZiG inowanikwa mumabhanga, uye kuti vanofanira kuishandisa kuderedza matambudziko echenji, kunyanya muchikamu chezvifambiso,” vanodaro.
Zvichakadaro, misangano yekuongorora mamiriro ezvinhu yakaitwa yakaratidza kuti huwandu huri kuramba huchiwedzera hwemabhanga ari kupa ZiG senzira yekuchengetedza mari nenguva.




