Zim A yobandana neAfghanistan

LOVEMORE BANDA
Lovemore Banda

CHIKWATA cheZimbabwe Cricket A svondo rino kutanga musi weSvondo chine basa guru rekubata apo chinotarisirwa kusangana necheAfghanistan mumitambo yehushamwari yetest match pamwe neyeOne Day International kuBulawayo.  Mutambo wekuBulawayo uyu uchingopera, zvikwata zviviri izvi zvinotarisirwa kuzosangana zvekare kuQueens Sports Club kuBulawayo kwakare uko zvichatamba mitambo yeone day international.

Mushure mezvo,  zvichazouya kuHarare apo zvichasangana mumitambo miviri yetest match paCountry Club.
Mukushi wemashoko weZimbabwe Cricket,  Lovemore Banda, anoti murairidzi weZim A, Andy Waller, ari kushanda nevatambi vanosvika 31 uye mutambo wavo neAfghanistan uchange uri wekuongorora vatambi vachazosangana neSouth Africa pamwe neAustralia mumakwikwi eTriangular Series mwedzi unotevera.

Chinyorwa chakatumirwa kubva kuZC chinoti mutambo weZimbabwe neAfghanistan uchipera, Zimbabwe  inobva yatopinda mune rimwe danho apo ichasangana neSouth Africa mumutambo mumwe chete wetest match series kuHarare Sports Club.

Panopera mutambo uyu, zvikwata izvi zvinobva zvananga kuBulawayo uko zvichanotamba mitambo mitatu yeODI.

Related Posts

Mudzimai akatema murume nechidhinha akafa kuMberengwa

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) kuMberengwa ari kufeya nyaya yemudzimai akaponda murume wake nekumutema nechidhinha. Nyaya iyi inonzi yakaitika usiku kwaSabhuku Mnandi, mudunhu raMambo Chizungu, kuMberengwa, nguva pfupi…

Vezvinodhaka vasungwa kwaChivi

Kingstone Mapupu MAPURISA eZimbabwe Republic Police (ZRP) ekuMasvingo akazivisa danho guru raakatora mukurwisa kutorwa kwezvinodhaka apo akasunga nhubu dzaishanda nezvinodhaka kwaChivi nguva pfupi yadarika. Pamusoro pezvo vakawana zvinodhaka zvakasiyana-siyana muchiitiko…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×