Don Makanyanga
ZIMBABWE yakaremekedzwa ndokupihwa mubairo mukuru weInternational Chess Federation FIDE Kick-Starter Award kumabiko eFIDE Year of Chess in Education Awards a2026, ayo akaitirwa kuSamarkand, kuUzbekistan.
Mabiko aya akaitwa pamwe chete nemutambo weChess Olympiad, uyo waitambirwa kuUzbekistan.
Zimbabwe yakapihwa mubairo uyu senzira yekucherechedza basa yairi kuita yekusimudzira mutambo wechess muzvikoro zvakasiyana-siyana zviri munyika. Mutungamiri weZimbabwe Chess Federation Todd Mapingire akagamuchira mubairo uyu kubva kumutevedzeri wemutungamiri weFIDE, Viswanathan Anand, pamwe chete nasachigaro weboka rinotungamira FIDE, Dana Reizniece Ozola.
Mubairo uyu wakauya panguva iyo Zimbabwe iri kushanda zvakasimba kusimudzira mutambo uyu, uchidyidzana nedzidzo. Achitaura, Mapingire akati ruremekedzo rwakapihwa Zimbabwe rwunosimudzira sangano ravo uye vamwe vavanoshanda navo.
“Tinonzwa kufara zvikuru uye kuzvininipisa nekugamuchira kwatakaita chiremerera ichi chatakapihwa neFIDE. Mubairo weKick-Starter unotipa chivimbo chokuti tiri kufamba nemazvo munzira chaiyo yekudzidzisa nekusimudzira mutambo wechess munyika yedu yeZimbabwe,” akadaro Mapingire.
Sangano reZCF nebazi redzidzo yepuraimari nesekondari vari kushanda pamwe chete kugadzira chibvumirano chokuti vashande vose pakusimudzira chess muzvikoro.
Mapingire akati chibvumirano ichi chavari kuronga chichasimudzira zvikuru mutambo wechess muzvikoro.
“Mubairo uyu hausi weZimbabwe Chess Federation chete, asi ndewekucherechedza basa riri kuitwa nevanhu vatinoshanda navo, kunyanya gurukota redzidzo yepuraimari nesekondari, vadzidzisi, zvikoro, vabereki, varairidzi, pamwe chete nemhuri yose yechess,” akadaro Mapingire.