Zim iri pamberi mukusimudzira vanhukadzi

Cde Muchinguri
Cde Muchinguri

GURUKOTA rezvevanhukadzi nekuenzaniswa kwemikana, Cde Oppah Muchinguri, vanoti panyika dzose dziri muAfrica, Zimbabwe yakaonekwa iri pamusoro munyaya dzekuderedza kufa kwevana vacheche munguva yekuzvarwa nekupararira kweutachiona hweHIV kuvanhukadzi.

Cde Muchinguri vakataura mashoko aya svondo rapera apo vaiparura chirongwa cheBeijing+20 Consultative Process zvichitevera musangano wepasi rose we58th Commission on Status of the Women uyo wakaitirwa kuNew York nguva yadarika uine nedonzvo rekusimudzira upenyu hwevanhukadzi.

Beijing+20 Consultative Processes ine chinangwa chekusimudzira zvakare vanhukadzi kuti vave vanobatsira mukubudirira kweupfumi hwenyika.

“Tichitarisa maMillennium Development Goals (MDGs) muAfrica yose, Zimbabwe yakaonekwa iri pamusoro munyaya dzekuderedza kufa kwevana vacheche munguva yekuzvarwa nekupararira kweutachiona hweHIV kuvanhukadzi,” vakadaro Cde Muchinguri.

“Vanhukadzi vanofanirwa kupihwa mikana mukupa mazano anovaka nyika mumabasa akaita semigodhi, kurima, muzvikoro nekupihwa kodzero dzavo zvakare.”

Vanoti zvimwe zvakataurwa kumusangano uyu inyaya yekuti vanasikana muzvikoro vashoma uyezve vamwe vacho havasi kukwanisa kupedza chikoro nekuda kwezvikonzero zvakasiyana.

“Vana vasikana vazhinji vari kugumira chikoro kupuraimari nekuda kwekuti vamwe vacho vari kuroodzwa vari vadiki, vamwe vopihwa mimba pamwe nekubhinywa nekuripiswa ngozi,” vakadaro Cde Muchinguri .

Vanoti nyika dzose dzakawirirana kumusangano uyu, kuburikidza neUnited Nations Economic and Social Council, kuti dziedze nepose padzinogona kusimudzira upenyu hwevanhukadzi.

“Zvimwe zvakare zvatiri kukoshesa utano hwevanhukadzi sekuderedza kufa kwemadzimai munguva yekusununguka, kutapurirwa zvirwere zvakaita segomarara muchibereko nemumazamu izvo zvinokanganisa raramo yakanaka yemadzimai nekodzero dzavo,” vakadaro Cde Muchinguri.

Related Posts

Is the Personal Benefit Rule about ‘Any Amendment’ or ‘An Amendment to a Term Limit Provision’?

An Intimate Reading of Subsections (1) and (7) of Section 328 of the Constitution of Zimbabwe (2013) By Nomuzikayise Ngwenya This piece is confined to one question, a question of…

Mudzimai ane chipari chevarume vaviri

Kingstone Mapupu MUDZIMAI ane makore 18 okuberekwa wekwaZimunya, kwaMutare, ane chipari chevarume vaviri, izvo zvisingatenderwi pachivanhu pamwe chete nepasi pemutemo wenyika, uye nyaya iyi yakatopinda mudare remambo weko. Tanatswa Muhomba…

Leave a Reply

Your email address will not be published. Required fields are marked *

×