Muchaneta Chimuka
HURUMENDE yosimbaradza mushandirapamwe nesangano reUNDP mukuita zvirongwa zvinosimudzira upfumi hwenyika neraramo yevanhu, zvikuru sei vagari vekumaruwa.
Izvi zvinotevera musangano wakaitwa muHarare nguva pfupi yadarika wekunzverwa zvirongwa zvinosanganisira kusimudzira nyaya dzeutano nekugara zvakanaka kwevagari vekumaruwa zvichienderana nebudiriro yeNational Development Strategy 2 (NDS2).
Musangano uyu waive nedonzvo rekugadzira gwaro reUNDP Zimbabwe Country Programme Document (CPD) 2027 – 2031 rinove nehurongwa hwemakore mashanu.
Vachitaura pamusangano uyu, Engineer Tafadzwa Muguti, avo vanova Presidential Affairs and Devolution Permanent Secretary, vanoti mushandirapamwe wemhando iyi wakakosha nekuti ndiyo nzira inoita kuti nyika izadzikise zvinangwa zvayo zvebudiriro zveVision 2030.
“Hatidi kuramba tiri vanhu vanomiririra kupihwa rubatsiro nedzimwe nyika asi kuti tinofanira kugona kuzvigadzirira zvinhu zvedu muno zvichibatsira kuti vechidiki vawane mabasa nyika yedu ichibudirira munyaya dzeupfumi,” vanodaro.
Eng Muguti vanopembedza makambani akadai seCapri, iyo inogadzira mafiriji achitengeswa muno nekunze, vachiti zvinoita kuti nyika isimukire pamwe nekuwanisa veruzhinji mabasa.
“Kuvambwa kwakaitwa Mutapa Investment Fund (MIF), iyo yaimbonzi Sovereign Wealth Fund of Zimbabwe, neHurumende kwakakosha mukusimudzira budiriro yenyika kubva muzvivakwa nekuwaniswa kwemabasa uye kusimudzirwa hweupfumi hwenyika. Tinoda zvirongwa zvakawanda zvakadai zvinoisa homwe parutivi yakangonanganana nebudiriro yenyika nekuti hatingamiriri mari inobva kuvatsigiri nekuti imwe mari yacho inouya ine zviga zvatisingakwanisi kuzadzikisa,” vanodaro.
Dr Ayodele Odusola, vanova UNDP Resident Representative, vanoti zvisinei nezvigozhero zvakatarisana nenyika, gore ra2025 rainge rakanaka zvikuru munyanya dzinosanganisira kuzvipira kweveruzhinji mukuita mabasa anovapa chouviri uye kudyidzana kwakanaka.
VaEdward Kallon vanova UN Resident and Humanitarian Coordinator vanoti kubatana kunoita vanhu vachironga chinhu chimwe kunounza budiriro nerunyararo munyika.
“Hurongwa hweNDS2 hwakakosha mukusimudzira mabasa akakosha ari kuitwa neHurumende yeZimbabwe, zvikuru sei zvirongwa zvemaBusiness Units ari kumaruwa nekuwaniswa nyaya dzeutano kubudiridza nekuvandudzwa kwezvipatara nemakiriniki,” vanodaro.
VaChristopher Mugaga vanova chamangwiza weZimbabwe National Chamber of Commerce vanoti chinhu chikuru chakakosha mubhizimusi nebudiriro yenyika kuva nemisika yakagadzirira kutenga zvinhu.
“Munyika muno mabhizimusi mazhinji akabatwa nevanhu vane mabhizimusi madiki (small scale businesses) vanoita mabasa ekutengesa, kurima nekugadzira zvinhu zvakasiyana mumaindasitiri akazvimiririra. Dambudziko riripo vemabhizimusi emhando iyi vakawanda vacho vanongotengesa vachiisa mari dzavo muhomwe vasingaise kumabhengi saka mari dzakadai hadzitendereri uye havabatirwi mitero zvinova zvinoderedza kusimukira kweupfumi hwenyika,” vanodaro.




